Vopura mari nemhiripiri

09 Jun, 2014 - 15:06 0 Views

Kwayedza

Tendai Chara
VARIMI vanosvika 600 vekunzvimbo dzakasiyana kudunhu reManicaland  vopunduka nekurima mhiripiri vachibatsirwa nerimwe sangano rakazvimirira mukutsvaga zvikwereti kumabhanga pamwe nemisika yekutengesera zvirimwa zvavo.

Varimi ava vanosanganisira vari kuNyanga neHonde Valley avo vari kutsigirwa mukurima mhiripiri yemhando yeTabasco Chilli nesangano reUSAID. Sangano iri rakabatsira varimi ava pasi pechirongwa cheZimbabwe Agricultural Income and Employment Development Programme (Zim-AIED).

VaTafadzwa Mutsamwira avo vanorima vari kuNyakomba Irrigation Scheme kuNyanga, vanoti hupenyu hwavo pamwe nehwemhuri hwakavandudzwa zvikuru kubva zvavakatanga kurima mhiripiri gore rakapera.

“Ndaisimborima zvimwe zvirimwa zvakaita sebhinzi nenyemba asi nhamo yaingoramba yakapfunya chisero mumba mangu. Kubva zvandakatanga kurima mhiripiri, nhamo yakabva yatiza,” vakadaro VaMutsamwira.

Murimi uyu anoti parizvino akakohwa mhiripiri inosvika matani maviri uye ari kutarisira kuwanazve imwe tani kubva mundima yaari kukohwa.

Mhiripiri iyi iri kutengwa nemutengo weUS$0,52 pakg.VaMutsamwira vari kutarisira kuwana mari inoita US$1 560.

“Pamari yandakawana mukutengesa mhiripiri, ndakakwanisa kutenga ngoro uye kutengawo zvekudya zvinondikwanira kusvika ndakohwazve mwaka unotevera. Ndinofara kuti ndakakwanisa kubatsirawo vavakidzani vangu avo vandakapinza basa vachindibatsira mumunda,” vakadaro VaMutsamwira.

Mai Alice Manditsvara, ve kuHonde Valley mumwe wevarimi vakuru vemhiripiri.

“Patakatanga kurima mhiripiri vanhu vaitiseka vachiti takanga tapererwa asi vave kuyemura hupenyu hwakanaka hwandave kurarama nemhuri yangu,” vakadaro Mai Manditsvara.

“Ndinotenda zvikuru sangano reUSAID iro rakaita kuti tiwane ruzivo rwezvekurima mhiripiri pachena.

“Sangano iri ndiro rakaitawo kuti tiwane zvikwereti kubva kumambhanga uyewo rakatitsvakira misika yekunotengesera mhiripiri yedu.”

Mhiripiri yemhando yeTabasco inonzi inofarirwa zvikuru kuUnited States uko inonzi yakatangira kurimwa.

Chamangwiza weZim-AIED kuNyanga, VaInnocent Musiiwa, vakakurudzira varimi kuti varime mhiripiri sezvo dzisinganetse kurima uyewo dzichitengeswa nemutengo wakanaka.

“Varimi vazhinji vanongofunga kuti kurima fodya ndiko chete kunopa pundutso. Ndiri kuvakurudzira kuti varime mhiripiri vazviitire mari mari yavo,” vakadaro VaMusiiwa.

VaMadzanga Khoza, avo vanove murimisi anoshanda nevarimi vekuHondey Valley vakamirira kambani inotenga mhiripiri yeBetter Agriculture, vakavimbisa varimi kuti misika yechirimwa chavo icharamba iripo.

“Varimi vanorima zvimwe zvirimwa vane dambudziko rekukushaikwa kwemisika yekutengesera zvirimwa zvavo asi kuvarimi veTabasco Chilli ndinoti misika yemhiripiri icharamba yakavhurwa kusvikira varimi vapedza kukohwa uyewo mitengo haisi kuzodereredzwa,” vakadaro VaKhoza.

Share This:

Sponsored Links