Vopura mari nemukaka wemombe

01 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
Vopura mari nemukaka wemombe

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VARIMI vanopfuya mombe dzemukaka munzvimbo yemapurazi madiki yeMarirangwe kuBeatrice, kudunhu reMashonaland East vanoti basa ravo riri kufamba zvakanaka zvikuru uye vanoda kuwedzera huwandu hwemombe dzavanokama nedonzvo rekuvandudza danga remombe dzemukaka munyika. Sachigaro wesangano reMarirangwe Dairy Farmers Association, VaCharles Sibanda, avo vanowanikwa pamatangi anotengeserwa mukaka nevarimi vekuMarirangwe (Milk Collection Centre) vanoti basa rekupfuya mombe dzemukaka riri kuburira zvikuru.

Vanoti mombe dzinounza mukaka kumatangi avo dzinodarika 200 idzo dzinowanikwa mukati memapurazi 34 akatekeshera nenzvimbo iyi.

“Muno tine mapurazi 34 pamwe chete uye mune varimi vanodarika huwandu hwemapurazi aya. Varimi ava vane mombe dzemukaka dzinodarika mazana maviri idzo tinotarisira kuti dziwande pamurimi woga-woga kuburikidza nezvirongwa zvekuwana zvikwereti zvemari yekuti titenge dzimwe mombe dzemukaka,” vanodaro.

Panopera gore rino, vanodaro VaSibanda, vanoda kunge vawedzera mombe dzavo dzemukaka nechikamu chinodarika makumi matatu kubva muzana.

Vanoti chirongwa ichi chakavambwa nesangano ravo nedonzvo rekusimudzira kupfuiwa kwemombe dzemukaka munzvimbo iyi.

“Tinodyidzana zvikuru nesangano reZimbabwe Dairy Farmers Association uko tinowana ruzivo nekupihwa nyanzvi dzinotibatsira mubasa iri uyewo nemamwe masangano evarimi emuno neekunze.

“Varimi vedu vane mombe dzemhando dzakasiyana dzechivanhu nedzemacross breeds saka tiri kushanda nemasangano akazvimirira kuti tive nemabhuru anotibatsira kuwana mombe dzemukaka dzakanaka. Tine chirongwa zvakare chekuuchika mombe cheartificial insemination chekuberekesa matsiru edu nemhou pasina mabhuru tichingoita zvekubaya mbeu yemabhuru atinoda,” vanodaro.

Varimi vanonzi vanounza mukaka unodarika marita 2 000 pazuva roga-roga pamuzinda uyu.

“Varimi vedu vanounza mukaka unokwana marita 2 000 kana kudarika zvichisiyana nemazuva acho. Mombe dzedu dzinopihwa kudya kwekuti dziite mukaka wakawanda uyewo tine nyanzvi dzinotirapira mombe dzedu nemhuru dzacho kubva muzvirwere zvakasiyana,” vanodaro VaSibanda.

Mukaka unounzwa nevarimi ava wakawanda wacho vanoti vanoutengesa kukambani yeKefalos Cheese uyewo nekuvanhu vakakomberedza nzvimbo iyi.

Vashandi vepamatangi emukaka vanosanganisira Taurai Moyo (23) VaLewis Tagara (24) vanotengesa mukaka panzvimbo iyi vanoti hapana mukaka unosara uchizotengeswa rechimangwana racho kuburikidza nekumhanyirwa uko unoitwa nevanhu. “Mukaka wedu wakachipa zvikuru kudarika nzvimbo zhinji saka haumire kutengwa,” anodaro Tagara.

Share This:

Sponsored Links