Vopura mari nenguruve

17 Jun, 2021 - 12:06 0 Views
Vopura mari nenguruve

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MHURI yekumindamirefu yeYorkshire 11, kuHeadlands, kudunhu reManicaland iri kupunduka nebhindauko rekupfuya nguruve ichitengesa iro raisimudzira zvikuru pakurarama kwayo.
Mai Monica Mudhara (42) vanoti basa rekupfuya nguruve rine mikana mikuru yekuunza mari yakawanda kudarika mamwe mabhindauko angaitwe nemurimi pamusha.

“Takatangisa basa rekupfuya nguruve gore rakapera taonawo kune vamwe varimi vemuno vanoita mari yakawanda nebasa irori.
“Izvozvi tine nguruve 30 dzatinotarisira kuti dzichawanda munguva pfupi iri kutevera,” vanodaro Mai Mudhara.

Vanoti vane bhucha kuHeadlands kwavanopota vachiendesa nyama yenguruve dzavanouraya uyewo dzimwe dzacho vachitengesa dziri mhenyu.

Mwanakomana wavo, Tarisai Mudhara (19), ari kuenda kuchikoro achiita mabasa ekurima zvakare.
Tarisai anoti munhu anofarira zvekurima kubvira mumabasa emuminda nekupfuya zvipfuyo.

“Izvozvi ndine munda wandakapihwa nevabereki vangu watakarima chibage, maringazuva nesoya bhinzi izvo tinozogaisa kugadzira kudya kwenguruve dzedu. Nguva dzose, ndinoona kuti nguruve dzedu dzawana mvura yakachena nekugezawo matanga nekudzigeza nekuti hadzidi hutsvina,” anodaro Tarisai.
Mhuri iyi inochengetawo matoki, huku dzechivanhu, mbudzi, hwai nemombe.

“Dambudziko ratinaro nderemvura sezvo munda wedu wakakura mahekita mashanu uchingova matombo nekudaro pekuchera matsime akadzika panonetsa. Saka tiri kutotsvaga mari yekuti ticherese chibhorani.

“Pari zvino mvura tinotora pakasipiti kari munzvimbo yedu,” anodaro Tarisai.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>