Vorova mukuwasha vachida roora

11 Jan, 2023 - 08:01 0 Views
Vorova mukuwasha vachida roora Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

VARUME vaviri vanogara mumusha weHatcliffe, muguta reHarare, vamiswa mudare reHarare Civil Court nemhosva yekurova hanzvadzi yavo pamwe chete nemukuwasha vachiti haasati abvisa mari yeroora.

Maideyi Gomo anokumbira dare iri kuti rimupe gwaro redziviriro kubva kuhanzvadzi yake, King Gomo nemunin’ina wake avo vanonzi vane tsika yekuuya kumba kwake husiku, votanga kumurova iye nemurume wake vachitukirira zvinyadzi vachiti vanoda mari yeroora.

Anoti haana rugare nekuda kwenyaya iyi uye akamborohwa naKing akatyorwa ruwoko.

“King ndiye mukuru, kouya inini uye kotevera munin’ina wake. Vaviri ava vane tsika yekundirova.

“Nguva pfupi yadarika, King akandirova ndikatotyoka ruwoko rwangu. Vanenge vachiti vari kuda mari yavo yeroora kubva kumurume wangu.

“Iye zvino mumba mangu mave nedambudziko rekuti murume wangu haachadi kugara neni nekutya kurohwa,” anodaro Maideyi.

Mutongi Tamara Chibindi akapa Maideyi gwaro redziviriro ndokuyambira hanzvadzi dzake kuti dzisiyane netsika yekumushungurudza uye kumurova pamwe chete nemurume wake.

“Musatsvage mari nenzira iyoyi nekuti munhu wose akaomerwa neupenyu. Mukuwasha kusabvisa mari anenge asina uye aine zvikonzero zvake. Kana nguva yake yakwana, ndiye achakuudzai okuunganidzai mose semhuri, okupai kwete kumurova. Munenge muchitopara mhosva ipapo,” vanodaro.

“Hamuna mvumo yekubvunza pfuma kumukuwasha uye mazuva ano vanhukadzi vane kodzero dzavo, anosarudza oga kuti anoda kuroorwa nenzira ipi kana kuti anoda kugara asina kuroorwa.

“Kana muchiti muri kutumwa nababamudiki, vaudzei kuti vanobvunza pfuma kuvana vavo vavakazvara ivo, kwete mwana wavasina kuzvara. Imiwo vakomana, roora munobvunza kuvana venyu, kwete rehanzvadzi yenyu, hamusi baba vaMaideyi. Mukuwasha anozviziva kuti anofanira kubvisa roora saka mupeyi nguva yake kwete kumumbunyikidza.”

Share This:

Sponsored Links