Vorumbidza chirongwa chekupa vana chikafu

26 Apr, 2019 - 00:04 0 Views
Vorumbidza chirongwa chekupa vana chikafu VaShumba

Kwayedza

Daphne Machiri
MUKURU wedzidzo mudunhu reManicaland, VaEdward Shumba, vanoti chirongwa chekupa vana zvekudya muzvikoro – cheSchool Feeding Programme – chiri kubatsira zvikuru pakuti vana vadzidze vakagwinya uye vasingarovhe chikoro.

Vakataura mashoko aya nguva pfupi yadarika pagungano rekuparurwa patsva kwechirongwa ichi pachikoro cheNehumambi Primary School chiri kuBuhera.

School Feeding Programme iri kuitwa kuzvikoro zvinosvika 216 muBuhera.

VaShumba vanoti kupihwa kwevana chikafu muzvikoro kwakakosha sezvo kuri kuderedza matambudziko anosanganisira kusiirwa kwechikoro panzira nekurovha kwevana.

“Chirongwa ichi chinoita kuti vana vave nepfungwa dzine utano izvo zvakare zvinochengetedza utano hwevana vedu. Pamusoro pezvo, zvinopawo manyawi kuvadzidzisi vedu nekuda kwekuti panowanikwa kunzwanana kwemudzidzisi nemwana wechikoro,” vanodaro.

VaChimbwanda

VaShumba vanoenderera mberi vachiti, “Tinotenda Hurumende nechirongwa ichi sezvo chiri kusimudzira dzidzo nekuda kwekuti kune dzimwe dzimba kuri kubva vana uko vabereki vacho varombo naizvozvo vanouya kuchikoro vasina kudya. Vamwe havatouye zvachose nekuda kwekuti vanenge vave kushanda kuti vawane zvokudya.”

Vanoti kubva pakavambwa chirongwa ichi neHurumende, vana vashoma vari kurovha chikoro.

“Tiri kutarisira kuti chirongwa ichi chienderere mberi uye zvikoro ngazvisangomirira Hurumende bedzi kupihwa chibage kana hupfu nezvimwe, asi kuti ngazviitewo mabhindauko ekurima nekuchengeta zvipfuyo sezvo zvichabatsiridza kuti vana vawane chikafu chinovaka muviri pasi pechirongwa ichochi,” vanodaro VaShumba.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, District Education Inspector (DSI) veBuhera, VaGodfrey Chimbwanda, vanoti chirongwa chekupa chikafu kuvana vechikoro chakanaka zvikuru.

“Tinotenda zvikuru Hurumende iri kubatsira nechikafu chinopihwa vana vechikoro. Isu sedistrict, pachikoro chimwe nechimwe takavamba mabhindauko ekurima muriwo nekuchengeta zvipfuyo zvakasiyana nekuda kwekuti isu tinowana chibage chesadza chete.

“Vabereki vari kuisawo ruoko rwavo mukutisimudzira zvakanyanya.

“Mune zvimwe zvikoro, vana vari kubvisa dhora rimwe chete patemu uye kana mari iyi yaunganidzwa potengwa zvakaita sebhinzi nemasoya chunks zvekudyisa sadza,” vanodaro VaChimbwanda.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey