Voruzhinji vokurudzirwa kudyara miti

14 Oct, 2021 - 09:10 0 Views
Voruzhinji vokurudzirwa kudyara miti

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VERUZHINJI vanokurudzirwa kudyara miti sezvo iine basa guru rinosanganisira kupa michero, kudzivirira gukuravu nekusanduka kwemamiriro ekunze.

Kurudziro iyi yakaitwa naVaTakudzwa Mlambo vanova chamangwiza wesangano reForestry & Citrus Research apo vaive kuZimbabwe Agricultural Show muHarare nguva pfupi yadarika vachitsanangura nezvemachengeterwo emiti uye kukosha kwayo.

Vanoti kambani yavo inouchika mbeu yesora remafuro zvakare.
“Tinouchikawo mbeu yesora remombe saka tinokurudzira varimi vedu kuti paya pavanorima miti vange vachidyara zvekare sora pasi kuitira kuchengetedza mwando uye zvipfuyo zvinenge zvichiwana kudya panguva imwe cheteyo.

“Paya panodonha mashizha emiti, anobva agadzira mupfudze kusora iroro uye miti inenge ichikurawo saka iraramo yedenderedzu. Mombe kana dzichinge dzadya sora, dzinoita ndove inogadzira manyowa zvekare,” vanodaro.

Vanoita miti inosanganisira mirajisi, migwavha, mimango, mikotopeya, mipopo, mihabhurosi nemimwe yemumvuri.

“Patinodyara miti, tinotanga tachera makomba akadzika, todira manyowa, todiridzira uye mushure mezvo todyara muti wacho totutsira manyowa neivhu asi tichisiya gomba racho risina kunyanya kuzara kuitira kuti patinodiridzira paya, mvura inoramba yakagara pachirimwa.
“Miti inodawo zuva kuti ikure zvakanaka uye mhepo yakakwana nekugara ichidiridzirwa. Panodyarwa miti panofanira kuiswa fenzi kana kuvakirirwa kuti isadyiwe nemhuka kana kutsikwa nevanhu,” vanodaro.

Zimbabwe kubvira mugore ra1980, yakatara musi weMugovera wesvondo rekutanga raZvita sezuva rakakosha rinodyarwa miti.
VaMlambo vanoti vanoshanda nevarimi vachivafundisa kukosha kwekudyara miti nemafuro ezvipfuyo.

“Miti yakakosha nekuti mimwe yacho inotipa michero saka rinotova bhizimusi nekuti vanhu vanogona kutengesa michero iyoyo vachiwana chouviri uye tinowana mumvuri. Miti inodzivirira zvekare nyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze uko kunokonzerwa nekupisa kwakanyanya kana kusvibiswa kwemhepo nekuda kwehutsi hunobva kumaindasitiri.

“Saka miti inogamha mhepo yakasviba iyoyo zvichiita kuti vanhu nemhuka pamwe netwumbuyu vawane mweya wakachena wekufema. Izvi zvinobatsirawo mukudzivirirwa kwezvirwere zvinofamba nemumhepo secherurindi, gomarara kana iyo Covid-19,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links