Uncategorized

Vorwara vadutira nyama yesambani

28 Dec, 2021 - 17:12 0 Views
Vorwara vadutira nyama yesambani

Kwayedza

Gibson Mhaka

VARUME vatatu vekuBulawayo – avo vakaita machikochori ekudya nyama yemhuka yemusango inonzi hwiribidi, sambane kana kuti hweru iyo yakauraiwa mushure mekunge yaonekwa kuOld Magwegwe pedyo neEgen Filling Station nemusi weChipiri wadarika – vanonzi vave kurwara zvikuru mushure nekuzvimba matumbu.

Vari kuziva nezvenyaya iyi vanoti varume vatatu ava vanonzi vakatanga kungonzwa dzungu nekurira mudumbu, kurutsa nekunzwa kureruka mumusoro mushure mekudya nyama yemhuka yesango iyi.

Mhuka yerudzi urwu inowanzozivikanwa ichifambirana nenyaya dzine chekuita nehuroyi zvinova zvasiya vazhinji vaine mibvunzo yekuti sei varume ava vakasarudza kudakarira kudya nyama yacho.

Mushure mekunge mhuka iyi yaonekwa padyo nepanodirirwa motokari mafuta uye yaurayiwa, vashandi vepo vanonzi vakachera gomba ndokuifushira.

Asi chakazoshamisa ndechekuti vamwe varume vaviri vakabva vaiona ndokubva vaifukunura ndokuenda nayo kumba uko vakanodaidza shamwari dzavo ndokugocha nyama iyi vachibva vaidakarira kuidya.

Zvinonzi panguva iyo vaviri ava vakanga vachifukunura mhuka iyi, vamwe vanhu vaivepo vaitoitisana nharo apo vamwe vaiti hwiribidi imhuka ine nyama inonaka zvikuru, kunyanya makumbo ayo ekumberi kana achinge akaringwa zvakanaka.

“Varume vatatu vakarwara vanosanganisira vekuOld Magwegwe avo vakadya nyama yemhuka iyo yava kuti yakanhongwa yakafa nechekare. Panguva yavaidya nyama iyi, vaiti yakapfava zvikuru, yainaka uye vakanga vachitotorana mifananidzo vachishwaudza mukanwa nenyama yacho,” anodaro mumwe mupi wemashoko.

Zvinonzi vamwe vagari venzvimbo iyi vakashamisika zvikuru kuona vanhu vachidya nyama yehwiribidi uye pavakatanga kurwara vanonzi vakaendseswa kune imwe n’anga iri kuMakokoba uko vari kushandirwa.

Munyori mukuru kusangano reZimbabwe National Traditional Healers’ Association (Zinatha), VaMusa Chinhunga, vanoti kunyangwe zvazvo mhuka iyi iine mukurumbira wekuzivikanwa mukushandiswa nevanhu muzvinhu zvakaipa zvakadai seumbavha nehuroyi, hapana chakaipa kudya nyama yacho.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey