Uncategorized

Vorwira chimbuzi

29 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Vorwira chimbuzi

Kwayedza

Milcah Nhakura
MUDZIMAI wemuHarare akaendesa mwanakomana wemurume wake kudare mushure mekunge vanetsana nenyaya yechimbuzi.

Patience Panganai akamhan’arira David Dexter Jongwe kuHarare Civil Court achimupomera mhosva yekumutuka, kumurova nekumutyisidzira achida kumudzinga pamba.

“Changamire, mwana wemurume wangu anondionesa nhamo. Anondinetsera makiyi ekuchimbuzi. Akagwejenura musiwo wechimbuzi zvekuti ndinoshaya kuti anofunga here. Anondijairira nekuti ndiri mudzimai wababa vake asi amai vake vakashaya kudhara,” anodaro.

Jongwe anoti anopokana nechikumbiro chaPanganai chekuti apihwe gwaro redziviriro.

“Ini ndinopokana nechikumbiro chaamai ava chegwaro redziviriro. Ndini ndingadai ndichitopihwa gwaro iri. Vanondirambidza kupinda muchimbuzi, asi imba yavari kushaina nayo imba yangu ine zita rangu. Takapihwa imba iyi kunoshanda baba pamwe nevanin’ina vangu asi taimborojerwa kumwe nababa kusvika vasisakwanise zvekutirojera vakatidzosa kumba asi amainini havana kuzvigamuchira,” anodaro.

Anoti amainini vake vane katsika kekukiya musiwo wechimbuzi.

“Vanokiya musiwo wekuchimbuzi nenhau yekuda kutikaurisa. Kubva zvatakadzoka kumba, hatisati takambopihwa makiyi kana kubvumidzwa kuenda kuchimbuzi. Ndakazotogwejenura ndatoona kuti mai ava vane hutsinye, vangandirambidze kuenda kuchimbuzi pamba pangu?

“Chimwezve havasisiri vese nababa, baba vave kugara kumwe nekuti vakanga vave kurohwa nekushaiswa rugare. Vakatombovhurira gas vachida kutipisira mumba pamwe chete nababa, ndizvo zvakazoita kuti vabude,” anodaro Jongwe.

Anoti amainini vake havana mwana nababa vake.

Mutongi Noah Gwatidzo akarasa chikumbiro chaPanganai achiti haana kupa umboo huzere.

Share This:

Sponsored Links