Vorwira imba yenhaka

01 Mar, 2019 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Milcah Nhakura
CHIREVO chinoti pfuma yenhaka inoparadzanisa hukama chiri kuzadzikiswa nenyaya yemukoma nemunin’ina vakamisidzana mudare vachirwira imba yakasiiwa nevabereki vavo.

Ian Sanyauke akamhan’arira mukoma wake Fele Mahati – uyo anova mwana waamai vake nemumwe murume – kudare reHarare Civil Court achikumbira kuti risandure gwaro redziviriro raagara anaro kuti akwanise kudzinga Mahati pamba yekuGlen Norah A, muHarare.

“Ndinokumbirawo kuti pagwaro redziviriro ranga ragara riripo, ndinoda kuti risandurwe kuti ndikwanise kuburitsa mukoma vangu muimba yangu yandakasiirwa namai vangu yakanga iri yavo nababa vangu. Mahati mwana waamai vangu nemumwe murume wavakaita pakutanga, vakazondizvara nababa vangu muimba inova iyo yandinoda kuti aburitswe,” anodaro Sanyauke.

Anoti vatadza kugarisana zvakanaka nemukoma wake.

“Kugarisana kwedu kunonetsa nekuti tinogaronetsana zvekuti handizive kuti sei asinganzwisise kuti iyi imba yandakasiirwawo nababa vangu. Amai vakashaya muna2001, ndipo pakadzokera baba vangu kumudzimai wavo wekutanga. Baba vanotoziva nyaya yeimba iyi uye ndivo vakatonditi ndifambire nyaya yeimba kuHarare City Council,” anodaro Sanyauke.

Anoti Mahati ngaaende kunogarawo kumba kwababa vake.

“Mahati anofanirwa kunogara nhaka yeimba yababa vake nekuti vagara vanayo. Asi haisi muno muHarare ndiko saka ari kurambira muimba yababa vangu,” anodaro Sanyauke.

Mahati anopokana nezviri kutaurwa nemunin’ina wake.

“Mwana uyu ndakamuchengeta kubva zvakafa amai nekuti akanga achiri mudiki. Ndakambovasiya pamba asi pandakadzoka ndakawana imba yava nezvikwereti zvakawanda kukanzuru, zvimwe zvemvura asi ndakabhadhara. Handizive kuti sei akandivenga kusvika pakuda kundidzinga mumba.

“Uyezve handione chikonzero chaanondidzingira nekuti iyi imba yamai vangu yewanano yavo nababa vake, saka handizive kuti zvaari kundidzinga anoda kuti ndinogara kupi nekuti ndinofanirwa kuwanawo chikamu chemba iyi sezvo amai vangu vakanga vari muwanano nababa vake,” anodaro.

Anoti imwe nyaya yavanonetserana ndeyekuti munin’ina wake ane marambadoro.

“Sanyauke anotora zvinodhaka uye ane marambadoro. Akambosungwa asi ndini ndakamubhadharira kumapurisa kuti abude saka handizive kuti sei achitidaro pamwe nehanzvadzi yedu. Pari zvino tinoshandisa tose imba iyi, mumwe nemumwe ane kamuri yake asi iye ari kuda kugara oga,” anodaro Mahati.

Mutongi Tafadzwa Miti akarasa chikumbiro chaSanyauke achiti anofanira kuenda kudare rinoona nezvekugovewa kwenhaka.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>