Vorwira imba yenhaka

23 Oct, 2019 - 16:10 0 Views
Vorwira imba yenhaka

Kwayedza

Courtney Munodawafa

HANZVADZIKOMANA nehanzvadzisikana vakamisidzana mudare redzimhosva vachirwira nhaka yeimba yavakasiirwa nevabereki vavo.

Tsitsi Chivhunga akamhan’arira Casper Chivhunga kuHarare Civil Court achikumbira gwaro redziviriro sezvo achiti anogara achiroverwa mari yerendi yemba iyi.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Tsitsi gwaro rinomudzivirira.

“Uyu ihanzvadzi yangu yekuberekwa nayo asi andipfidzisa. Handizivi kuti imhosva here kuda kuchengetedza nhaka yedu asi ndanzwa. Murume uyu ndogara naye paimba yatakasiirwa nevabereki vedu asi anogara achindirova. Anondirovera mari yerendi inenge yabhadharwa nemaroja yandinenge ndichibhadharisa zvikwereti zvemvura nemagetsi,” anodaro Tsitsi.

Anoenderera mberi achiti, “Ndakauya kuzogara kumba iye ane nguva aveko. Ndakasvika paine chikwereti chemvura nechemagetsi izvo zvisina kumbobvira zvaitika vabereki vedu vari vapenyu.

“Ndakatanga kutora mari yerendi ndichibhadharisa zvikwereti izvi. Ndakambomumhan’arira kumapurisa nekundirova kwaakaita nyaya yacho ikaenda kudare kuMbare uko yakazobviswa iye aregera kuuya kudare racho. Takazogadzirisana tikatanga kugara tese asi zvino atanga zvakare.”

Achipawo divi rake, Capsper anoti anoda kudyawo nhaka yeimba yakasiiwa nevabereki vake.

“Hongu, ndobvuma kuti pane zvikwereti asi chandinodawo kudya mari yenhaka yatakasiirwa nevabereki vedu. Panosara chenji ndiyo yandinodawo. Handina kumbobvira ndavashungurudza, asi vakandisungisa gore rapera vachiti ndaivarwisa. Hatisati tawana mukana wekunyatsogovana nhaka nokuti vamwe vachiri kunze kwenyika. Takagoverana chenji inenge yasara handimbonetsana naye,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links