Uncategorized

Vorwira kukama mombe

30 Aug, 2019 - 00:08 0 Views
Vorwira  kukama mombe

Kwayedza

Milcah Nhakura
CHIREVO chinoti pfuma yenhaka inoparadza ukama chiri kuzadzikiswa nenyaya yevana vemhuri imwe chete avo vakaendesana kumatare edzimhosva vachirwira kukama mombe dzakasiiwa nababa vavo.

Tanaka Nyakuchera akamhan’arira hanzvadzi yake, Tonderai Nyakuchera, kuHarare Civil Court achimupomera mhosva yekumurova, kumutuka nekumurambidza kukama mombe dzenhaka.

Tanaka anoudza mutongi wedare iri Tafadzwa Miti kuti, “Hanzvadzi yangu inondirovera mombe dzenhaka dzatakasiirwa nababa vedu. Anotondirova zvekundiitisa mavanga. Anondirambidza kukama mukaka pamombe idzodzo.

“Kana zvichibvira, ndinokumbirawo kuti tigovaniswe mombe dzacho nekuti handichina mufaro. Mombe idzi inhanhatu, isu takasiiwa tiri vatatu. Dai zvaigona taita mbiri mbiri zvedu nekuti ndinoona kuti zvingaitise pamuromo uyezve inini ndinoda mukaka.”

Tonderai anopokana naTanaka achiti akatengesa mombe dzake kare.

“Takasiirwa mombe 10 pakashaya baba asi nekuda kwehunhu hwake uyu, dzasara inhanhatu, zvichireva kuti hapachina chake nekuti akatengesa. Saka ngaarege kuhwanda negwaro raari kuda kudare. Hapachina chake nekuti dzake akatotengesa kare,” anodaro.

Mutongi Miti akapa Tanaka gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links