Vorwira makuva

04 May, 2018 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Janet Chari
VAVAKIDZANI vakamisidzana mudare redzimhosva nekuda kwenyaya yemakuva ayo anonzi mumwe akakomberedza ndokuavharira musitendi yake asi iye asiri wemhuri ine marinda aya.

Gezi Gwata akamhan’arira Noah Nyamadzavo kuHarare Civil Court achiti ari kuuya kumba kwake achiita ruzha nekutaura zvaasingazivi pamusoro pake nekuda kwemakuva ekumhuri yavo aakavharira musitendi yake.

“Nyamadzavo anouya kumba kwangu pakati pehusiku akadhakwa achipopota nekushora upenyu hwangu nekudaro ndatofumuka kuvavakidzani vangu,” anodaro Gwata.

Gwata anoti dzimwe nguva kana Nyamadzavo akaona kuti haapo pamba, anonorwisana nevana vake.

“Anonditi ndiri muroja wake asi ini ndakazvigarira pamba pangu. Pamwe pacho ndakazomubvunza kuti chii chaari kutsvaga chaizvo zvekuzosvika pakurwa nevana vangu,” anodaro Gwata.

Nyamadzavo anopikisana naGwata achiti hapana chaari kumutadzira.

“Gwata akakomberedza makuva ekumhuri kwangu muchivanze chake saka ndizvo zvandinoendera kumba kwake kunomuudza kuti zvaakaita hazvisizvo,” anodaro Nyamadzavo.

Anoenderera mberi achiti paakazorova vana vaGwata akanga aenda kunobvisa ruzhowa rwake pamakuva emhuri yake vana vake ndipo pavakazomurambidza vave kutopindirawo munyaya iyi.

“Vana vake vave kutopindirawo panyaya yemakuva edu aya ndokusaka ndakazoita hasha ndikavarova,” anodaro.

Nyamadzavo anoti akaudza Gwata kuti kana ave kuda kugara nemakuva emhuri yavo zvichanetsa nekufamba kwenguva nekuti vanenge vachida kuzoita chivanhu chavo semhuri.

“Ndinenge ndichida kuzoenda ikoko kana ndave kuda kuita zvechivanhu chedu, anenge asingadiwi ipapo nokuti hadzisi hama dzake saka hameno kuti anenge achizoenda kupi,” anodaro Nyamadzavo.

Mutongi Larzin Ncube akarasa chikumbiro chaGwata achiti haana kupa humboo hunoratidza kuri ari kushungurudzwa naNyamadzawo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey