Vorwira mvura yemutsime

31 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Gamuchirai  Muzanenhamu

VAVAKIDZANI vakamisidzana mudare mushure mekupopotedzana pamusoro pekuchera mvura mumugodhi.

Netsai Simbi akaendesa Juliet Masunda kuHarare Civil Court achitsvaga runyararo.

“Ndiri kushaya mufaro pamba pangu nekuda kwemuvakidzani wangu ari kupota achindituka nekundirova kana ndichinge ndamurambidza kuchera mvura mumugodhi pamba pangu zvekuti ndava kuzvipa mhosva yekuucheresa kwandakaita,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti ari kunzi muroyi, ari kuda kuuraya vana vaMasunda nekuti akamurambidza kudarika nepamba pake.

“Mukuedza kuti mitauro iite mishoma, ndakavati vasadarike nepamba pangu sezvo paine imwe nzira yavanokwanisa kushandisa asi zvakatowedzera nekuti vave kunditi muroyi, ndiri kuda kuuraya vana vavo,” anodaro Simbi.

Anoti rimwe zuva akamborohwa nebadza naMasunda.

“Akandirova makumbo nebadza ndikamuendesa kumapurisa tikanzi titaurirane sezvo tiri vavakidzani,” anodaro Simbi.

Masunda anoti haapikisane nechikumbiro chaSimbi kudare kunyangwe zvese zvaataura ari manyepo.

“Mupei zvaari kuda asi ari kunyepa zvese zvaataura. Handiende kumba kwake kana mvura handichere kumba kwake uye kumapurisa ndini ndakamuendesa andirova,” anodaro Masunda.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Simbi gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links