Uncategorized

Vorwira tsvina yembwa

10 May, 2019 - 00:05 0 Views
Vorwira tsvina yembwa

Kwayedza

Ashely Muchamiri
MUDZIMAI wekuMufakose, muHarare, akaendesa hanzvadzi yake nemudzimai wayo kudare achiti vari kumutambudza uyewo vanokondana kubvisa tsvina yembwa pamba pavanogara.

Mandikunda Chiveso akamhan’arira Israel Chiveso nemudzimai wake, Alice Jenda, kuHarare Civil Court.

Mandikunda anodza mutongi wedare iri, Tafadzwa Miti, kuti: “Muroora uyu anoita basa rekutuma vana vangu kuti vamushandire iye ozomuka kuma9 makuseni uye kuti vanomucherera mvura kuchibhorani kure.

“Mumwe mwana wangu paakachema-chema akabva atanga kumuvenga uye kubva ipapo haachade kana kumuona.

“Mukadzi nemurume ava vanondishungurudza pose pandinorwara vachinditi inzara inoita kuti ndirware. Uyezve pose panonetsana vana vedu vachitamba, hanzvadzi yangu inouya yorova mwana wangu izvo zvava kutoita kuti vana vangu vamutye.”

Israel anoti hanzvadzi yake ine pamuromo. “Hanzvadzi yangu ne pamuromo uye inoda kuzviita baba pamba. Akanotora vana vashanu kumba kwaaiva akaroorwa kumukwasha akuya navo patinogara, hanzi baba vangu vakatisira imba yekugara,” anodaro.

Anoti Mandikunda ane imbwa shanu idzo anogara nadzo pamba pavo, mbiri dzacho dzine mauta uye dzinoitira tsvina pose-pose.

“Hanzvadzi yangu ine imbwa shanu pa5 square metres dzepamba patinogara uye dzimwe mbiri dzine mauta. Handingaite half half kubvisa tsvina yembwa nemuridzi wadzo,” anodaro.

Jenda anoti haana dambudziko naMandikunda.

“Handina dambudziko natete vangu, tinotogarisana mushe asi dambudziko riri pakati pavo nehanzvadzi yavo sevana vemunhu mumwe,” anodaro.

Mutongi Miti akapa Mandikunda gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey