Vorwira tsvina yemunhu

27 Dec, 2019 - 00:12 0 Views
Vorwira tsvina yemunhu

Kwayedza

Courtney Munodawafa

MUDZIMAI anogara mumusha weKuwadzana, muHarare, anoti ari kuoneswa chakati tende nemuridzi wepamba paari kuroja uyo ari kumupomera kuti ane katsika kekuitira tsvina pamusuwo wemba.

Rumbidzai Mupandasekwa akamhan’arira George Mareya kuHarare Civil Court achida gwaro redziviriro.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Mupandasekwa gwaro rinomudzivirira.

Mupandasekwa anoti Mareya ari kumupomera mhosva yekuitira tsvina pamusuwo pemba izvo zvave kukonzeresa kuti ashungurudzwe zvekusvika pakuda kutama.

“Ava ndilandlord vangu asi handina mufaro pamba ipapo.

Pane munhu akaitira tsvina pamusiwo ini ndikapomerwa mhosva yacho.

Mukadzi wavo akabva andiudza kuti ndakasabvisa tsvina iyoyo ndaizoiwana mumba mangu.

Izvi zvakabva zvandituma kuti ndibve ndatsvaga imwe imba,” anodaro.

Mupandasekwa anoti akazononoka kubhadhara rendi izvo zvakabva zvakonzeresa kuti paite kusanzwanana.

“Semunhu aitsvaga kumwe kwekugara, ndakati nonokei kubhadhara rendi.

Vakabva vauya vakandiudza kuti ndakasabhadhara taizonetsana uye semunhu aimhanyira kubasa, ndakangobvumirana nazvo.

“Ndakazoshamisika ndadzoka kumba ndichiona pagedhi paine chikwangwari chaiti, ‘Pane imba pano’,” anodaro Mupandasekwa.

Anoenderera mberi: “Ndakaenda kwavari ndichivaudza kuti notisi yavainge vandipa kuti ndibve pamba apa yaive yenguva pfupi, vaisafanira kundidzinga.

“Mukutaurirana kwataiita, vakatanga kunditukirira vakabva vandibata bendekete vakandirova.

Ndakavarekodha, ndakaenda kumapurisa asi ndakashaya mapurisa anoita zvekuyananisa vanhu. Ndakabva ndatiza pamba zvekuti pari zvino ndiri kutogara kwasekuru vangu.”

Mupandasekwa anoti akamhan’arira Mareya kusangano reRent Board iro rinoona nezvekugarisana kwevaridzi vemba nemaroja.

“Ndakanovamhan’arira kuRent Board ndikapihwa mazuva ekuti ndigare, ndichabva kupera kwaNdira gore rinouya.

Dai dare randibatsira varegera kundishungurudza,” anodaro.

Mareya anoudza dare kuti anopokona nechikumbiro chaMupandasekwa achiti haana kumbobvira amurova kana kumutuka.

“Andinyepera, handisati ndambomutuka kana kumurova. Ava nemwedzi mina ndichigara naye asi akangokwanisa kubhadhara mari nenguva mwedzi wekutanga chete, pamwe pese apa anonoka.

“Ndiye ega ada kushusha, ndine mamwe maroja andagara nawo makore mashanu pasina kana kusawirirana,” anodaro.

Mareya anoti nyaya yetsvina yemunhu yakaitirwa pamusuwo wemba yakanetsa uye nanhasi anotofungirawo kuti Mupandasekwa ndiye akaiita.

“Zvechokwadi tsvina yakaitwa pamusiwo pachi’mat’ chepa’door’ vakataudzana nemudzimai wangu.

Asi ini semaonero angu, musikana uyu haana mugomo wekuisira mvura, saka nekunetsa kuri kuita mvura anogona kunge akaona kuti aizotadza kudira mvura akabva angosarudza kuitira pachi’mat’ chedu ndokuisiya pamusiwo,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links