Vorwisa Covid kumusha

25 Jun, 2021 - 17:06 0 Views
Vorwisa Covid kumusha

Kwayedza

Kingstone Mapupu

SANGANO rakaumbwa nemasabhuku nemasangano edzisvondo kuBanket, kudunhu reMashonaland West, riri kubabatsira mukugadzirisa matambudziko ari kusangana nevanhu vemunzvimbo iyi panguva iyo nyika iri kurwisa chirwere cheCovid-19.

Zimbabwe Association of Churches Hospitality (ZACH) isangano rinotungmirirwa naSabhuku Mbidzi, VaTendai Musekiwa (40), avo vanova sachigaro nemuvambi waro .

Vanoti nekuona kusagadzikana kwezvinhu mudzimba nekuda kwematambudziko akonzerwa nechirwere cheCovid-19, vakauya nepfungwa dzekuumba sangano iri semasabhuku.

“Takaona zvakakodzera kuti tivambe sangano iri takazembera kumachechi ari muno ndokudaidza sangano iri kuti Zimbabwe Association of Churches Hospitality. Tinoshanda nevakuru vemasvondo ose ari muno tichitarisa magariro ari kuita vanhu mudzimba nevechidiki vedu sezvo misikanzwa yanga yanyanya panguva ino yechirwere cheCovid-19,” vanodaro Sabhuku Mbidzi.

Vanoti kubva mugore ra2020 pakavamba denda reCovid-19 muno vanhu vachinzi nemutemo vagare kudzimba, vakaona kusagadzikana kwezvinhu mudzimba dzevanhu vemudunhu ravo zvikaita kuti vafunge zvekuvamba sangano iri.

Sabhuku Mbidzi vanoti dzimwe nyaya dzavari kusangana nadzo panguva ino yekurwisa chirwere cheCovid-19 dzinosanganisira kutorwa kwezvinodhaka nevechidiki, kurwisana kwevakaroorana nekurohwa kwevana vachipomerwa mhosva nevabereki vavo.

“Tavamba sangano iri, takatora vatungamiri vedzisvondo dzose tikavapa basa rekudzikamisa nzvimbo ino kubva kumweya wekurwisana wanga wapinda mudzimba zhinji nemuvanhu. Tiri kushanda nemachechi ose pasina kusarura.

“Vechidiki kuti vawane zvekuita, takavatsvagira mabhora uko vanoenda vachinotandara vachitamba vasina kuita chitsokotsoko,” vanodaro Sabhuku Mbidzi.

Vanoti madzimai ari kuvamba zvikwata zvemabasa akasiyana kuti vawane zvekuita uyewo varume vachiita zvimwe chetezvo.

“Tine masangano akasiyana anoita zvekurima ari kutibatsira nembeu dzekuita mapindu zvava kuita kuti varume nemadzimai vaswere vari mumabasa akasiyana,” vanodaro Sabhuku Mbidzi.

Share This:

Sponsored Links