Vorwisa Covid neKarate

05 Nov, 2021 - 13:11 0 Views
Vorwisa Covid neKarate Sensei Tyson Mujuru (wechitatu kubva kurudyi) aine vechidiki vaari kudzidzisa mutambo wekarate kwaNyamweda, kuMhondoro nechinangwa chekuvasimudzira pamwe nekuvakurudzira kuti vasiyane nekutora zvinodhaka sezvo vamwe vacho hupenyu hwavo hwange hwakanganiswa nedenda reCovid-19

Kwayedza

Kingstone Mapupu

SHASHA yekarate — Sensei Tyson Mujuru — akavamba chikwata chemutambo uyu kwaNyamweda, kuMhondoro nechinangwa chekusimudzira vechidiki avo hupenyu hwavo hwange hwakanganiswa nedenda reCovid-19 pamwe nekuvakurudzira kuti vasiyane nekutora zvinodhaka.

Chikwata ichi chinonzi Mujuru Shukokai Karate Academy chakaumbwa kutanga kwegore rino apo nyika yaive palockdown iyo yakakonzerwa nechirwere cheCovid-19.

“Ini semugari wekuno neruzivo rwangu rwemutambo weKarate, ndakaona vechidiki – kusanganisirawo neni – vakagara kudzimba nekuda kwedenda reCovid-19. Vamwe vakanga vave kutora zvinodhaka zvakaita semutoriro nezvimwe nekuenda kudoro rekachasu nechikokiyana.

Ndakabva ndakumbira kuvakuru vemuno kuti nditange chikwata ichi, zano rangu ndokutambirwa,” anodaro Sensei Mujuru.

Anoti kubva zvaatanga kudzidzisa vechidiki ava, ari kuona shanduko huru muhupenyu hwavo uye anotarisira kuti vamwe vachave shasha dzetsiva mune remangwana.

Kunze kwazvo, Sensei Mujuru anoti ari kuvadzidzisa zvakare kukosha kwekuzvidzivirira kuti vasatapurirwe chirwere cheCovid-19.

“Tiri kutevedza nzira dzose dzekudzivirira denda reCovid-19 dzinosanganisira kupfeka mamasiki, kugeza maoko nemvura inochururuka nesipo, kuita daranganwa nezvimwe zvakawanda izvo tinotevedza,” anodaro.

Sensei Mujuru anoenderera mberi achiti, “Denda reCovid-19 machiremba anoti rinoda kuti vanhu vapote vachisimbisa miviri vachibuda dikita zvinova zvatinoita kuburikidza nemutambo wetsiva uyu.”
VaRenious Gomba (63) vemumusha waSabhuku Manhanzva kwakare kuMhondoro vanotenda zvikuru chikwata chekarate ichi vachiti chiri kuwanisa vechidiki zvekuita.

“Vana vave kuwana zvekuita vachinosimbisa miviri uko vanotaurirwa kuipa kwekutora zvinodhaka zvinoita kuti vasawane nguva yekumberereka vachinyengerana zvekuba nekuita mimwe misikanzwa,” vanodaro.

Marshal Muzondo anove mumwe ari muchikwata chekarate ichi anoti vari kubatsirikana zvikuru kuburikidza nekudzidziswa kwavari kuitwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>