Uncategorized

Vorwisa gomarara remuchibereko

12 Apr, 2019 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
SANGANO reMedecins Sans Frontieres/Doctors without Borders (MSF) nguva pfupi yadarika rakabatsira madzimai ekwaGutu, kuMasvingo, kuti vavhenekwe uye kurapwa chirwere chegomarara remuchibereko. Izvi zvakaitwa semucherechedzo wezuva remadzimai, reInternational Women’s Day.

Mamwe emadzimai akabatsirikana kuburikidza nechirongwa ichi vanosanganisira Shuvai Munyaradzi uyo akaonekwa aine gomarara rainge richangotanga izvo zvakaita kuti akurumidze kurapwa.

Shingirayi Mutuda akasvika pakubviswa chibereko (hysterectomy) sezvo gomarara racho range risisarapike kana kudzivirirwa nekuda kwekukomba kwaro.

Sangano reMSF rava nenguva refu richishanda pamwe nebazi rezveutano nekurerwa kwevana mukubatsira vanhu vari muzvipatara zvitanhatu zvemaGutu.

Kubvira mugore ra2015, dunhu reGutu ndiro bedzi rine mizinda mitanhatu yekurapira gomarara rechibereko.
Pakati pegore ra2015 na2018, madzimai 17 430 vakavhenekwa gomarara remuchibereko muzvipatara zvitanhatu izvi uye 850 vavo vakapihwa mishonga inoderedza kupararira kwwaro.

Mugore ra2018, madzimai 59 vakabatsirwa pasi pechirongwa cheMSF chinodaidzwa kunzi LEEP Service Treatment uye muchina unoita basa iri wakapihwa kuchipatara cheGutu Rural Hospital mumwedzi waKurume gore rapera.

“Panguva iyo zviuru nezviuru zvemadzimai ari kumaruwa munyika muno vari kunetseka nekurwisa gomarara, zvakakosha kuti pange paine dziviriro kuburikidza nekubaya majekiseni eHuma Papiloma Virus HPV kuvanasikana,” anodaro Gloria Ganyani anova mukushi wemashoko kuMSF.

Mugore ra2018, MSF yakatsigira bazi rezveutano mukufambiswa kwechirongwa chekubaiwa kwemajekiseni aya kuvanasikana 15 000 kwaGutu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey