Vorwisa HIV nenhabvu

09 Jun, 2022 - 16:06 0 Views
Vorwisa HIV nenhabvu London Makwanya

Kwayedza

Abel Ndooka

SANGANO reNational AIDS Council (NAC) rorwisa kupararira kwechirwere cheHIV neAIDS pamwe nekutorwa kwezvinodhaka zvisingatenderwe mumuviri nevechidiki kuburikidza nemutambo wenhabvu pasi pechirongwa cheBrother to Brother.

Chirongwa ichi, icho chakavambwa mugore ra2019, chiri kuitwa kumatunhu akasiyana-siyana enyika kusanganisira kuChipinge uko kwakaumbwa zvikwata 40 kubva kumawards 10.

London Makwanya anove District AIDS Coordinator (DAC) weNAC kuChipinge anoti chirongwa cheBrother to Brother chiri kubatsira zvikuru mukudzidzisa vanakomana kuti vasatore zvinodhaka pamwe nekuzvidzivirira kubva kuHIV neAIDS kuburikidza nemutambo wenhabvu.

Anoti kuChipinge kune mawards 10 uye muward yega-yega mune zvikwata zvina zvevanakomana vanosvika 25 muchikwata chimwe nechimwe.

Kana vechidiki ava vapedza kutamba nhabvu, vanowana zvakare mukana wekudzidziswa pamusoro pekukoshesa kuchengetedza utano hwavo uye mamwe emabhindauko anokwanisa kuvararamisa muhupenyu.

“Tiri kushandisa mutambo wenhabvu kupa vanakomana zvidzidzo zvehupenyu zvinosanganisira dzidziso maringe nedenda reHIV/AIDS uye kuita mabindauko akasiyana emaoko anobatsira kuti vawane mari yekuvaramamiswa muhupenyu hwavo.

“Mabhindauko avari kuita anosanganisira kurima miriwo yekutengesa, kupfuya huku uye koita vamwe vanorima mamacademia vanozotengesa vachiwana mari. Izvi zviri kubatsira vakomana ava kurarama hupenyu hwakachena uye vabereki vavo vari kutofara nemararamiro avanoita.

“Pari zvino, tine zvikwata 40 zviri muChipinge uye tiri pakati pekuronga mutambo mukuru uchaunganidza zvikwata zvese kuti zvigouya zvobandana,” anodaro Makwanya.

Mumwe mutungamiriri wezvikwata izvi anove mentor pasi pechirongwa cheBrother to Brother, Samson Mukonya, anoti chiri kubatsira zvikuru vechidiki kuti vasapinde munyaya dzekutora zvinodhaka zvisingatenderwe mumuviri.

SAMSON Mukonya achipa zvidzidzo zvakasiyana-siyana kuchikwata chake apo
vainge vapedza kuita gadziriro dzavo dzenhabvu

Anoti muchikwata chake mune vatambi venhabvu vanotaridza kuti vane tarenda uye vanogona kuzotambira zvikwata zvikuru mune remangwana.

“Tiri kuona shanduko huru muhupenyu hwevakomana kuburikidza nechirongwa cheBrother to Brother icho chiri kuvadzidzisa kurarama hupenyu hwakachena. Tiri kuvafundisa nhabvu uye kana tapedza kutamba nhabvu, totanga kupangana mazano ekutsvaga mari zviri pamutemo kwete zvechikiribidi.

“Chirongwa ichi chiri kubatsira zvakare kuti vakomana vagone kuzvichengetedza muhupenyu hwavo, vazive nezveHIV/AIDS uye vasiye kutora zvinodhaka zvisingatenderwe mumuviri,” anodaro Mukonya.

“Ini muchikwata changu nditori nevakomana avo ndinotoona kuti vachasvika kure nenhabvu saka tiri kuvabatsira kuti vagoonekwa nezvikwata zvakasiyana mune remangwana.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey