Uncategorized

Vorwisa huchapa munharaunda

16 Sep, 2021 - 17:09 0 Views
Vorwisa huchapa  munharaunda

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SANGANO reCommunity Water Alliance (CWA) – rakabatana nereUNDP, Oxfam, neEMA, Spar, kanzuru yeHarare uye mapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) – vari kuita zvirongwa zvekusimudzira nyaya dzehutsanana munzvimbo dzemuHarare dzinosanganisira Tsiga Market neMatarerini Flats, kuMbare senzira yekurwisa kupararira kwezvirwere zvakaita seCovid-19.

Vari kushanda pamwe nenhengo dzemadzimai anodarika makumi maviri ayo akafundiswa zvehutsanana pasi pechirongwa cheCommunity Health Committee.

Murongi kusangano reCWA, VaChristopher Gohori, vanoti vakaona zvakakosha kuti vaite mukomberenwa nemasangano aya nedonzvo rekuchengetedza utano.

“Denda reCovid-19 harisati raonekedzana nesu, vanhu vakawanda vava kuratidza kurivara apo vava kuregedza kupfeka mamasiki vachiungana pamwe nekusiya nharaunda dzavo dzakasviba sezvamuri kuona muno muMbare.

“Marara ndiwo anounza zvirwere zvizhinji secholera, typhoid, Covid-19, dysentery kana rurindi nekuti vanhu vanogumisira vava kufema mweya wakashata. Tava zvekare nedambudziko rekuwanda kwemarara emapamba uye mamasiki ayo ari kurasirwa pose-pose zvichiita kuti pwere dzianhonge dzichipfeka. Saka chirwere cheCovid-19 chinogona kuramba chinesu kana tikasachengetedza marara edu,” vanodaro.

Mai Batsirai Sibanda vanova senior environmental education and publicity officer kuEMA vanotaura nezvemutemo wekuraswa kwemarara uye kukosha kwawo.

“Pasi pemutemo weEnvironmental Management Agency Act, imhosva kurasira marara pose-pose nekuti zvinokanganisa nharaunda pamwe neutano hweveruzhinji. Hatikurudzire zvekare kuti vanhu vapise marara nekuti hutsi hunosvibisa nharaunda nekudaro anofanirwa kuendeswa kunzvimbo dzakatarwa nemakanzuru,” vanodaro.

Vanoti nzvimbo yeMbare inogara iine marara akawanda zvichitevera huwandu hwevanhu varimo uye mabasa ekutengesa anoitwamo nekudaro vari kuita izvi nedonzvo rekurwisa zvirwere zvinosanganisira Covid -19.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Tendai Mwanza, vanokurudzira vanhu kuti varambe vachipfeka mamasiki nechinangwa chekurwisa kupararira kweCovid-19.

“Mapurisa ari kusunga vanhu nekuti vamwe vari kuti kwava kupisa saka vofamba vakarembedza mamasiki vachiisa utano hweruzhinji panjodzi yechirwere cheCovid-19. Kurasa marara pose-pose imhosva zvekare saka ngatirasirei marara mumabhini kuti tive vanhu vakatsvinda,” vanodaro.

Imwe nhengo yeHealth Club, Mai Phoebe Silikombola, vanova facilitator kuCWA vanoti kuwanda kwemarara ratova dambudziko guru munyika muno nekudaro veruzhinji vanofanirwa kufundiswa maringe nenzvimbo dzavanofanira kuarasira.

“Tine marara akadai semakondomu nemapamba ane tsvina dzevanhu, marara ezvinhu zvinoshandiswa mudzimba awandisa. Kune dzimwe nyika, imhosva inoendesa kujeri chaiko kukanda marara kana ezviwitsi pasi.

“Kudai munyika muno maiswawo mitemo yakadero tideredze dambudziko iri. Pwere dziri kunhonga marara emakondomu dzichifuridza kuita mabharuma zvinovaisa panjodzi yezvirwere. Mamasiki akapfekwa vari kunhonga vachipfekawo saka Covid-19 inopera sei?,” vanobvunza.

Share This:

Sponsored Links