Vorwisa kutorwa kwezvinodhaka nenhabvu

12 May, 2022 - 13:05 0 Views
Vorwisa kutorwa kwezvinodhaka nenhabvu Chikwata Lighter Soccer Academy

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

CHIKWATA cheLighter Soccer Academy chiri kuUshewekunze muguta reHarare chorwisa kutorwa kwezvinodhaka zvisingatenderwe mumuviri nevechidiki kuburikidza nemitambo yakadai senhabvu.

Murairidzi wechikwata ichi, Advance Mtetwa, anoti vakavamba boka iri nechinangwa chekuti vechidiki vawane zvinovavaraidza zvichibatsirawo kuti vasave nepfungwa yekutora zvinodhaka.

“Boka iri rinowanikwa kuUshewekunze paBatai Munhu uko tinodzidzisa vana mutambo wenhabvu uye bhora remaoko (netball). Vana ava vanobva kunzvimbo dzakasiyana-siyana vachiuya kuzopakurirwa hunyanzvi hwemitambo. Kunze kwenhabvu nenetball, tinovadzidzisawo zvakaipira kutora zvinodhaka uye kuziva mutemo wenyika kuitira kuti vasapara mhosva,” anodaro.

Mtetwa anoti vanoshandisa nzira dzakasiyana-siyana mukufambisa mashoko echenjedzo kune vechidiki ava.

“Tinosangana nevana vakawanda vane matambudziko akasiyana avo tinobatsira asi vamwe zvinotora nguva kuti vange vachiregedza kutora zvinodhaka. Kuburikidza nemutambo wenhabvu, tiri kuona shanduko huru muvana ava nekuti vava kuwana zvinovavaraidza. Pavanobva kubhora, vanenge vaneta saka vanosvika kudzimba vachigeza vobva varara nekudaro nguva yekutora zvinodhaka kana kufurirana kuita mabasa asina kururama vanenge vasina zvachose,” anodaro Mtetwa.

Anoenderera mberi achiti, “Donzvo remitambo yedu yeLighter Soccer Academy ndeyekukurudzira vechidiki kuti vave nepfungwa dzakarodzwa vachivavarira kuita zvinhu zvinovaka hupenyu hwavo hwemangwana. Tinorwadziwa nevechidiki nekuti ndivo vakabata ramangwana redu nokudaro zvinodhaka zvakadai semutoriro, twumbwa, mbanje nezvimwe zvinoparadza hupenyu hwavo.”

Vanoti pari zvino chikwata chavo hachisati chawana vatsigiri nekudaro vari kurarama nekupemha kubva kuvabereki nevamwe vanhu vemunharaunda. Kune vangada kubatsira vechidiki ava vanoridza nhare panhamba dzinoti 0785 194 094, 0719 194 094 kana 0773 071 363.

Share This:

Sponsored Links