Uncategorized

Vorwisa nyaya dzemhirizhonga

10 Sep, 2020 - 10:09 0 Views
Vorwisa nyaya dzemhirizhonga Vashandi vekuCATCH

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VAGARI vemuEpworth vakaparidzirwa mashoko ari pamusoro pechirwere cheCovid-19 uye kurwisa nyaya dzemhirizhoga nesangano reCare At The Core of Humanity (CATCH).

CATCH isangano rinopa rutsigiro rwemagweta kuvana vanenge vatyora mutemo kana kuti vari mumajeri.

VaMaxwell Chambari – avo vanova muvambi weCATCH – vanoti chirongwa ichi chakauya mushure mekuona mukaha mukuru uripo muvagari vemuEpworth pakurwisa Covid-19 uye kuwanda kwemhirizhonga.

“Izvi tiri kuzviita pasi pechirongwa chatinodaidza kuti ‘Safe and Inclusive Cities Initiative’ mushure mekunge vakumbira kuti tiite zvirongwa zvekurwisa cheCovid-19 munzvimbo iyi, zvose nemhirizhonga. Takatenderera tichikusha mashoko echenjedzo nenyaya mbiri idzi, kunyanya tichikurudzira kuti vanhu vadzimhan’are kumapurisa pane kunyarara.

“Mhirizhonga hadzingobati madzimai bedzi saka tinokurudzira varume kuti vasafire mumwoyo, asi kuti vabatsirwe nenguva,” vanodaro.

Vanoti kazhinji varume vanozongoonekwa vazvisungirira zvichitevera kushungurudzika nemhirizhonga kwenguva refu vasingabude pachena.

Mukuparidza mashoko aya, sangano iri rakabatsirana nebandiko remapurisa reVictim Friendly Unit (VFU), chikamu cheSocial Welfare, bazi rinoona nezvemadzimai nePlan International.

“Kuburikidza nemakambani aya, takadzidza kuti vagari vemuEpworth vazhinji havasi kutevedza mirawu yakatarwa nesangano reWorld Health Organisation (WHO) pakudzivirira Covid-19. Vabereki nevana tinovaona vasina kupfeka mamasiki uye vanofarira kuungana zvinova zvakati siyanei nepatakaenda kuChitungwiza uko takaona vazhinji vachiratidza kutevedza izvi.

“KuEpworth vanhu vacho havana hanya nemamasiki zvisinei nekuti mapurisa ataive nawo ayo ainge akapfeka yunifomu aivakomekedza.”

VaChambari vanoti pahurukuro dzavakaita nemapurisa eko, vakadzidza kuti Epworth ine kamba imwe chete yemapurisa zvisinei nekuti kunoparwa mhosva dzakawanda.

“Zvakaonekwazve kuti munguva ino ye’lockdown’, mapurisa ekuEpworth ari kutambira nyaya mbiri pazuva dzechibharo nokudaro tinotarisira kuti zvirongwa zvatakaita zvichaunza shanduko kuvapari vemhosva nekupawo veruzhinji chenjedzo,” vanodaro.

VaShingirai Paungano, vanova district officer kuDepartment of Social Welfare, vanoti vana vanoda chengetedzo yakasimba munguva ino.

“Ino inguva yakaoma zvikuru kuvana sezvo vasiri kuenda kuchikoro vachiswera mudzimba munova imo mune vanovambunyikidza. Kazhinji tinotambira nyaya dzevana vanombunyikidzwa nevanhu vehukama, zvikuru vari munharaunda dzavanogara. Vabereki ngatirambei tichitsigira vana munyaya dzedzidzo nekuvapa tarisiro yekuti rimwe remazuva vachazodzokera kuchikoro pane kuvashandisa mabasa akaomarara.

“Tinoona vana vakawanda vari kuswera kuzvibhorani nekumisika zvinopa mikana yekuti vambunyikidzwe nenzira dzechibharo, kurohwa kana kutukwa,” vanodaro.

Vanoshora tsika yevamwe vabereki avo vari kurara mumba mumwe chete nevana vavo vachiti zvinokonzera kuti vana vazoita zvepabonde.

Share This:

Sponsored Links