Vorwisa zvinodhaka nemitambo

21 Feb, 2023 - 13:02 0 Views
Vorwisa zvinodhaka nemitambo Moses Nyamhotsi

Kwayedza

Abel Ndooka

SANGANO reHarare South Fitness Coaches riri kufambira mberi nechirongwa chekusimbisa muviri icho chiri kuvaona vachienda munzvimbo dzakasiyana vachidzidzisa veruzhinji pamusoro peHIV neAIDS uye kuipa kwekutora zvinodhaka.

Svondo radarika, vakaunganidza vanhu vakabva kuHighfield, Budiriro, Glen View, Glen Norah, Mufakose neKambuzuma, kuKambuzuma uko vakaita mitambo yekusimbisa muviri yakasiyana.

Vapedza, vakatora mukana wekutaura neveruzhinji vachivapa zvidzidzo pamusoro pekuzvichengetedza kubva kuHIV neAIDS pamwe nehuyipi hwekutora zvinodhaka.

Vechidiki vazhinji hupenyu hwavo huri kuenda mudondo nekuda kwekushandisa zvinodhaka uye vamwe vane zvipo zvekutamba mitambo yakaita senhabvu, rugby, cricket kana basketball vari kupedzisira vasiira panzira.

Sachigaro weZimbabwe Powerlifting Association muHarare – Moses ‘Black Moses’ Nyamhotsi – anoti chirongwa ichi chakakosha zvikuru uye donzvo ravo kukurudzira veruzhinji kuti vachengetedze miviri yavo nekukoshesa utano hwavo.

“Taona kuti nharaunda dzedu dzazara zvinodhaka, takatora danho rekuti nguva nenguva tifambe munzvimbo dzakasiyana tichiitisa mitambo yekusimbisa muviri.

“Mitambo iyi yakakosha nekuti tapedza, tinotora mukana wekutaura nevanhu pamusoro pekuzvichengetedza kubva kuHIV neAIDS uye kuvakurudzira kuti vasiye zvinodhaka.

“Tiri kuona shanduko huru kubva zvatatanga chirongwa ichi nekuti vamwe vari kuuya kwatiri vachitiudza kuti vari kubatsirika zvikuru uye vakatotanga kutamba mitambo yakasiyana iri kushandura hupenyu hwavo,” anodaro Black Moses.

Zvichitevera chirongwa chavakaita muHarare svondo radarika, Black Moses anoti tarisiro yavo ndeyekuenda kune mamwe mapurovhinzi ari kumativi mana enyika.

Share This:

Sponsored Links