
Abel Ndooka
MUTUNGAMIRI wechikwata cheKuyamurana FC – Munyaradzi Taundi – anoti ligi reMbare Junior Football League riri kubatsira zvakanyanya kusimudzira vatambi venhabvu vechidiki pamwechete nekuvabvisa mune zvinodhaka.
Kuyamurana FC yakavambwa gore radarika uye chimwe chezvikwata chevechidiki chiri kubata basa guru rekurwisa zvinodhaka munzvimbo yeMbare chichisimudzira vakomana nevasikana.
Muhurukuro neKwayedza, Taundi anoti zvinodhaka zviri kudzorera vechidiki kumashure naizvozvo chikwata chavo chiri kurwisa dambudziko iri nekusimudzira matarenda echidiki mune zvemitambo.
“Kuvambwa kwakaitwa Mbare Junior Football League kwakauya zvakanaka chaizvo nekuti ligi iri riri kubatsira zvikuru kusimudzira vechidiki kubva mune zvinodhaka.
“Vechidiki vazhinji hupenyu hwavo huri kurasika huchienda mudondo nekuda kwezvinodhaka saka tinopa kutenda nekuti vana vave nekwekuswera vachitamba nhabvu izvo zviri kuvabvisa mune zvinodhaka.
“Vana pavari kuuya kuzotamba nhabvu, ipapo ndipo tiri kuzotora mukana wekutaura navo tichivapa dzidziso yehupenyu yakakosha. Tiri kuvazivisa kuti mune zvinodhaka umu hamuna chimuko, vanofanirwa kurarama hupenyu hwakachena kuti hufambe zvakanaka,” anodaro Taundi.
Kuyamurana FC ine vatambi vanokwikwidza maboka anoti Under 10, 12, 14, 16 ne18 uye ine chikwata chemadzimai.