Vorwisa zvinodhaka nenhabvu

24 Mar, 2023 - 11:03 0 Views
Vorwisa zvinodhaka nenhabvu Munyaradzi Taundi

Kwayedza

Abel Ndooka

ZVIKWATA 16 zvenhabvu – zvevakomana 12 nezvina zvevasikana – zvichabandana mumutambo weKuyamurana Furniture Under 17 Boys and Girls Tournament kuStodart, kuMbare nemusi weMugovera.

Mutambo uyu uri kurongwa nedonzvo rekusimudzira vechidiki vanobva munzvimbo iyi vane tarenda renhabvu pamwe chete nekuvabatsira kuti vabve mune zvinodhaka.

Mumwe wevarongi wemakwishu aya – Munyaradzi Taundi – weKuyamurana Furniture, anoti nhabvu mutambo unobatanidza veruzhinji.

“Nhabvu inokosha, inodzidzisa zvikuru saka isu sekambani chishuwo chedu kuona vechidiki vakasiyana vachibudirira.

“Takaronga mutambo uyu wenhabvu kuti vechidiki vauye kuzotamba pane kuswera vakagara muzvikona nekuti ndipo vanozofuririka vopedzisira vave kutora zvinodhaka.

“Saka vakatamba nhabvu vanowana zvekuita uye panguva imwe chete vachitodzidziswa kuti vakoshese mutambo uyu sezvo zvichigona kuzoshandura hupenyu hwavo,” anodaro Taundi.

Anoti mutambo uyu vatanga nezvikwata zvina zvevasikana asi mune remangwana vanoda kuti zvinge zvakawanda.

“Nhabvu yemadzimai munyika iri kukura naizvozvo tinoda kuisimudzira saka tiri kuronga kuti pave nezvikwata zvevasikana zvakawanda mune remangwana.

“Iye zvino tangotanga nezvina chete zvinoti Mbare Queens, Cyclone, George Stark neReal Stars Mbare. Tinoda kuona vanasikana vedu vachitambawo nhabvu,” anodaro Taundi.

Murairidzi wenhabvu yevechidiki arizve sachigaro weMbare Junior Football League – Stanley Kavayi – anoti zvichitevera kutanga kwakaita mwaka mutsva weCastle Premier League, vari kuronga mitambo yevechidiki iyo vachapota vachishevedza varairidzi vezvikwata zvakasiyana zvinokwikwidza muPSL kuti vazoongorora vatambi vavo.

Stanley Kavayi

“Tinoda chaizvo kuona vatambi vedu vatiri kubika vachizonotambirwa zvikwata zvemuPSL saka tichange tichishevedza varairidzi kuti vauye kuzoongorora vatambi vedu vatinenge tichibika,” anodaro Kavayi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>