Vorwisa zvose HIV neCovid-19

01 Mar, 2021 - 15:03 0 Views
Vorwisa zvose  HIV neCovid-19 Dr Madzima

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SANGANO reNational AIDS Council (NAC) nemusi weChishanu rakapa rubatsiro rwemidziyo yedziviriro yechirwere cheCovid-19 inosanganisira mamasiki 5 000 anoenderana nevanhu vasinganzwi vanoshandisa mutauro weSign Language anonzi pa”lip reading masks”.

Mamasiki aya akatambidzwa kuSunrise Academy of Sign Language kuti azopihwa kuvanhu vasinganzwi, kunyanya munguva ino yechirwere cheCovid-19.

Vachitaura pakutambidzwa kwemidziyo iyi muHarare, chamanagwiza wesangano reNAC, Dr Bernard Madzima, vanoti munyika mune vanhu vanosvika 700 000 vari muchikwata chevasinganzwi, nekudaro rubatsiro urwu rwuchaita kuti nyaya dzekufambiswa kwemashoko dzireruke maringe neHIV uye chirwere cheCovid-19.

“Takatenga mamasiki anoshandiswa nevanhu vasinganzwi kuti vakwanise kutaura zvakanaka nemitauro yavo yemasaini. Kucherechedzwa kwemitauro yavo kwakakosha zvikuru nekuti kana vanhu ava tikavasiya, nyaya dzekudzivirirwa kweHIV nechirwere cheCovid-19 dzinobva dzasarira kumashure,” vanodaro Dr Madzima.

Vanoti vane zvirongwa zviviri izvo zvine donzvo rekurwisa HIV neCovid-19 nechinangwa chekuti vazadzikise zvinangwa zve95-95-95 targets mukurwisa HIV.

“Pamusoro peizvi, tiri kuwanisa vanhu vane HIV neCovid-19 nzira dzedziviriro takatarisa vanoda rubatsiro rwechimbi-chimbi sevanhu vanotengesa muviri, vanasikana vachiri kuyaruka, madzimai echidiki, vasungwa vari mumajeri, vechidiki, vanoita zvezvicherwa nevakaremara – pakati pevamwe – kuti tione kuti hakuna ari kusarira,” vanodaro.

Dr Madzimai vanoti vanofara zvikuru kushanda neveSunrise Sign Language Academy avo vari kuwanisa vanhu vasinganzwi mitauro yemasaini kusanganisira ma”audio-visual”.

Izvi zviri kubatsira mukudzivirirwa kweHIV neCovid-19 apo vanenge vachitaurirwa kuti varegedze kuungana, vageze maoko, vapfeke mamasiki nezvimwe zvinobatsira mukuchengetedzwa kweutano hwavo.

Professor Lincoln Hlatshwayo, avo vakatambira rutsigiro urwu vakamiririra vanhu vasinganzwi, vanotenda vachiti rwucharerutsira vanhu ava avo vanogara vachisangana nerusarura uye kusaririra munyaya dzeutano, dzidzo nekufambiswa kwemashoko.

Share This:

Sponsored Links