Voshandisa ‘Bhinya Rd’ kutiza ZRP

04 Jun, 2020 - 17:06 0 Views
Voshandisa ‘Bhinya Rd’ kutiza ZRP Assistant Commissioner Paul Nyathi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VEDZIMOTOKARI nevanhu vanofamba netsoka avo vanenge vasina magwaro akakwana ekufambisa ekuratidza kumapurisa pamugwagwa zvavanofambira kunzvimbo dzakasiyana vave kushandisa nzira dzemusango dzinozivikanwa nekuti “Bhinya Road” kuenda nekudzoka kwavanoda.

Kana vachiuya muHarare, vanhu vanobva sekuChitungwiza, kuBeatrice nekuHarare South, kuMarondera nekuRuwa, kwaMurehwa nemisha iri kumabvazuva kweguta, kuDomboshava, kuNorton nemisha iri kumadokero pakati pedzimwe nzvimbo, vari kunzvenga mapurisa “akasosa” mumigwagwa mikuru vachisevenzesa nzira dzekubiridzira izvo zvinodzosera chirongwa chekurwisa Covid-19 kumashure.

Ongororo yakaitwa neKwayedza svondo rino inotaridza kuti mumwe wemigwagwa yemusango uri kushandiswa nevatyairi pamwe chete nevanhu vetsoka vanenge vachinzvenga mapurisa mugwagwa wakare uri pedyo neSkyline uyo unodarika rwizi Manyame nezambuko rakare.

Motokari iyi yaidarika nepazambuko rakare rerwizi Manyame iro rinonzi riri kushandiswa nevanenge vasina magwaro akakwana ekufambisa vachinzvenga mapurisa.

Mugwagwa uyu uri kushandiswa nemotokari dzinobva kunzvimbo dzinosanganisira kwaChihota, kuMhondoro, kuBeatrice, Masvingo, Chivhu neBeitbridge nedzimwe dzinofanirwa kunge dzichisevenzesa mugwagwa waSimon Mazorodze kupinda nekubuda muguta reHarare.

Zambuko reparwizi Manyame iri rakatopihwa zita remadunhurirwa rekuti “Limpopo” richifananidzwa neriri kumuganhu weZimbabwe nenyika yeSouth Africa iro rinoshandiswa nevamwe vanhu kupinda nekuda munyika mbiri idzi zvisiri pamutemo.

Zvakare, patova nechikwata chevarume chiri kubhadharisa vanhu vanenge vachida kudarika nepana”Limpopo” kuti vapinde muHarare.

Zvinonzi izvi hazvisi kuitika muHarare bedzi asi nekune dzimwe nzvimbo apo vamwe veruzhinji vanenge vachinzvenga mapurisa.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti zviri kuitwa nevanhu vari kushandisa migwagwa yemusango vachinzvenga mapurisa imhosva.

“Senyika, kwakadzikwa mutemo wekuti vanhu vanopihwa matsamba ekufambisa uyewo kana motokari dziri kufamba nematsamba. Ino inguva yekurwisa Covid-19 kureva kuti nenzira dzemusango idzi kunokwanisa kuita vanhu vanopinda nechirwere mumaguta zvisina kuzivikanwa nebazi rezveutano.

Vanhu ava vaidarika nepazambuko “Limpopo” rerwizi Manyame iro rinoshandiswa nevanenge vasina magwaro ekuratidza kumapurisa.

“Hondo yekurwisa chirwere ichi ndeyedu tose, mapurisa achaita basa rawo vanhu vakadai vosungwa. Ivo vacho vari kubhadharisa mari imhosva zvakare, dambudziko rechirwere ichi nderepasi rose saka ngatingwarirei,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Munyori uno akatosvika pazambuko remugwagwa wemusango unobva nekuSkyline, Chegutu nekwaMubayira uchizodarika nemuUshewokunze uchinopinda munaAmalinda Road uyu.

Vedzimotokari nevanhu vanofamba netsoka avo vasina matsamba vanobudira mumisha inoti Glen Norah A, Glen View 1 ne7.

Mumwe murume asina kuda kuburitswa zita rake uyo akataura neKwayedza pazambuko iri anoti, “Izvi hazvina kusiyana neku’smuggler’ vanhu, tinopera rumwe rumwe neCovid-19 nekuti apa pari kupinda nevanhu vari kubva kure zvikuru kana kunze kwenyika chaiko.”

Pazambuko iri pava nevamwe varume vari kumirapo vachibhadharisa mari vose vanoda kuyambuka vachibvisiswa maUS$2 pamota kana mari yemuno.

Varume ava vakavhundutsira munyori uno apo akavabvunza kuti sei vari kubhadharisa vanoda kudarika uye izvi zvinoisa nyika panjodzi yecoronavirus.

“Imi baba imi kwanai, munobvunzirei zvose zviri kuitwa pano? Zvatiri kuita zviri pamutemo uzere, hapana zvamunotiita. Dzokai kana rinhi munotiwana tiri pano.

“Vanhu ava vanoenda kwavanoda pasina anovadzivisa, vana venyu here?” anodaro mumwe wevarume ava.

Vamwe vanhu vanofamba netsoka vasina magwaro akakwana anodiwa panguva ino vari kuyambuka nezambuko iri vozonokwirira motokari kumberi.

Kana vanhu ava vachibuda muHarare, vanonokwirira kumberi kwakaita sekuHarare South Golf Course kana vachienda naSimon Mazorodze kana kuenda kwaChihota.

Panzvimbo iyi panonzi pave kuitwa mabasa ehuwori akaita sekubirwa kana kurohwa nematsotsi sezvo vanhu vanosangana netsekwende idzi vachinzi havamhan’are nekutya kuti vanenge vachiita zviri kunze kwemutemo.

Share This:

Sponsored Links