Voshandisa mbira kurwisa Covid-19

19 Mar, 2021 - 17:03 0 Views
Voshandisa mbira  kurwisa Covid-19

Kwayedza

Kingstone Mapupu

CHIKWATA chinoridza musambo wembira chichigara mumusha weMbare, muguta reHarare, chakabura dambarefu rine nziyo dzinokurudzira veruzhinji kuti vatevedzere zvinodiwa mukurwisa chirwere cheCovid-19.

Duramazwi Mbira Group, chinova chikwata chakaumbwa naGogo Sarudzai Jaravaza (54), ndicho chiri kuparidza mashoko ekuedza kumisa Covid-19 nembira kana kuti deze ichi.

Gogo Jaravaza 

Gogo Jaravaza, avo vanova murapi wechivanhu, vanokurudzira veruzhinji kuti vatevedze zvose zvinodiwa panyaya yekurwisa Covid-19 izvo zvinosanganisira kupfeka mamasiki, kushambidza maoko nesipo nemvura inochururuka uye kuti vanhu vasaite chitsokotsoko.

“Tine dambarefu idzva rinonzi Pasi Rapinduka iro ratakabura svondo rino. Pane kambo kenhangaruvanze kanonzi Chembere Dzemumvura, toita Pasi Rapinduka. Nziyo dzose idzi dzinokurudzira veruzhinji kuti vatevedzere matanho ekurwisa chirwere cheCovid-19,” vanodaro Gogo Jaravaza.

Vanoenderera mberi vachiti, “Munziyo idzi, tiri kutaura pamusoro penhamo yatapinda yekurwarirwa nehama, vamwe vachifa vana nedzimwe hama vachisara vasina variritiri. Mumashoko ari munziyo idzi tinokumbira kuna Nyadenga nekuvadzimu vedu kuti vatibatsire mudambudziko reCovid-19.”

Vanoti mamwe mashoko enziyo dziri padambarefu ravo iri vakaatora padambarefu rekutanga.

“Dambarefu redu idzva tinotarisawo kusandurwa kwaitwa tsika dzechivanhu nekuda kwechirwere cheCovid-19 sezvo vanhu vasisakwanise kuonekana nevafi vavo sezvaiitwa kare uyewo vanhu vanotenderwa kuva panhamo vave kufanirwa kunge vari vashoma,” vanodaro.

Pasi pemitemo yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19, vanhu vanotarisirwa kunge vari parufu havatenderwe kudarika 30.

Gogo Jaravaza vanoti chikwata chavo kare chaingomirira kuridza mumatare avo kusvikira vakazofunga zvekutsikisa mushure mekukurudzirwa nevanhu vainzwa nziyo dzavo.

“Taimboenda kunoridza kunze kwenyika sekuSouth Africa, Namibia neBotswana. Izvozvi tiri kuronga kunoridza kuUK, taiva takamiswa nemitemo yeCovid-19 asi sezvo kunze kwave kuchena kudai, vanhu vave kubvumidzwa kufamba, tichagadzirira kuenda rwendo urwu,” vanodaro Gogo Jaravaza.

Vanoti vanobatsirwa kunyora nziyo naTendai Kazuru (46) naPunish Gandazha (43).

Share This:

Sponsored Links