Vosimuka nemombe dzekwaPresident

11 Jan, 2023 - 14:01 0 Views
Vosimuka nemombe  dzekwaPresident Mombe dzaMai Soneni

Kwayedza

Bongani Ndlovu

VALINDWELL MOYO (57) vekuTsholotsho, kuMatabeleland North, pavakapihwa mombe nhatu dzinobereka muna2018, havana kuziva kuti mumakore mashanu aitevera vaizova nemombe gumi neimwe mudanga mavo.

VaMoyo vemubhuku raHololo riri kuMadona Line, kuTsholotsho ndemumwe wevarimi 20 kubva kunzvimbo iyi vakapihwa mombe pasi pechirongwa chePresidential Heifer Scheme necheCommand Livestock.

Chirongwa ichi, icho chakaparurwa naPresident Mnangagwa munaKubvumbi 2018, chakanangana nekuvandudza huwandu hwemombe munyika idzo dzinotarisirwa kusvika pamamiriyoni matanhatu.

President Mnangagwa vakapa varimi mombe dzinosvika 660 kuMatabeleland South pakaparurwa chirongwa cheCommand Livestock mudunhu iri paGwanda Showgrounds munaChikumi mugore ra2018.

Pari zvino mombe dziri munyika dzinosvika 5,5 miriyoni uye pane matanho ari kutorwa kuwedzera huwandu hwemombe munyika kusanganisira chirongwa chekuuchika izvo zvinoita kuti pave nemombe dzemhando yepamusoro, kubaiwa kwemombe uye kuvandudzwa kwemadhibhi nechinangwa chekuderedza zvirwere zvinokonzerwa nezvikwekwe kana kuti zvishambwe.

VaMoyo ndemumwe wezvapupu zvebudiriro yaunzwa neHurumende munyika apo Zimbabwe iri kutarisira kubudirira muzviono zvayo zveVision 2030 izvo zvakanangana nekusimudzira upenyu hweveruzhinji.

Chikwata chevatori venhau chakaenda kuTsholotsho nguva pfupi yadarika chikataura naVaMoyo vanova zvakare nhengo yesangano reEmdlawuzweni Farming Cooperative iro rine varimi 20.

VaMoyo pavakapihwa mombe pasi pechirongwa cheCommand Livestock Scheme vaiva nemombe gumi nepfumbamwe asi pari zvino vave nemombe 30.

Vanoti chirongwa ichi chasimudzira kupfuyiwa kwemombe munzvimbo mavo.

“Kubva kuchirongwa ichi, ndakapihwa nhatu asi ndava nemombe gumi neimwe. Mombe idzi dziri kubereka kamwe chete pagore uye patiri kutaura kudai, ndiri kutarisira mhuru kubva kune imwe yemombe dzepachirongwa ichi kupera kwemwedzi uno,” vanodaro.

VaMoyo vanoti mudunhu mavo varimi vazhinji vawedzera mombe dzavo.

“Mudunhu rino, tine varimi vasere vakawana mombe kubva kuchirongwa cheCommand Livestock. Vane mombe 28 sezvo dzimwe dzakafa nezvirwere,” vanodaro.

Mumwe akawana mombe pasi pechirongwa ichi ndiMai Soneni Ncube avo vakabatsirika nePresidential Heifer Scheme.

“Idzi imombe dzemando yepamusoro uye dzakakosha sezvo imwe chete yacho inotengeswa nemari inosvika US$800. Rudzi rwadzo rwakasiyana nedzatajaira dzemuno uye dzakawedzera huwandu hwemombe dzangu,” vanodaro Mai Ncube.

Vanoti vave nemombe pfumbamwe kubva kuchirongwa ichi.

Zvisinei, Mai Ncude vanoti dambudziko ravakatanga kusangana naro pavakapihwa mombe idzi kushaya mvura nechikafu chekudzipa nguva yechirimo.

“Taiva tisina bhuru zvakare munzvimbo medu asi dambudziko iroro rakazogadziriswa,” vanodaro.

Vanoti chakafu chemombe chaidhura naizvozvo varimi vakatanga kuzvirimira chikafu chavo kuitira kuti zvivarerukire.

“Ndave kurima huswa hwemhando yebanner grass uho hwandinosanganisa nechikafu chemombe uye izvi zviri kutibatsira pachikafu chemombe, kunyanya kumhuru,” vanodaro.

VaPhilip Ndou vekunzvimbo yeMazunga, kuBeitbridge vanoti mombe dzavo dzapetwa kaviri kubva pane dzavakapihwa muna2018.

“Zvandinokwanisa kutaura ndezvekuti chirongwa ichi chakanaka sezvo chatibatsira kukudza danga redu. Ndakatanga nemombe nhatu, zvisineiwo imwe yakarohwa nemota uye imwe yakafa nekurwara. Pari zvino ndava nemombe ina.

“Dambudziko guru nderemafuro nemvura yekuti mombe dzimwe naizvozvo tiri kukumbira kuvakuru kuti tibatsirikane pamatambudziko aya,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links