Uncategorized

Votamba munhandare musina vatsigiri

14 Jul, 2021 - 16:07 0 Views
Votamba munhandare musina vatsigiri

Kwayedza

Abel Ndooka

CHIKWATA chenyika checricket chemaChevrons chiri kupinda muhondo kutanga neChishanu apo chichatatsurana necheBangladesh mumitambo yeOne Day International (ODI) iyo iri kushanda seyeSuper League inove imwe nzira yekurwira kuenda kuWorld Cup India 2023.

Zvikwata zviviri izvi svondo radarika zvaitatsurana mumutambo weTest match series uyo wakazohwinwa neBangladesh uye svondo rino kutanga neChishanu, mutambo uri kutsvuka ropa apo zvichabandana mumitambo mitatu yeODI.

Mitambo yezvikwata izvi yose iri kutambirwa kunhandare yeHarare Sports Club uye vatsigiri havasi kutenderwa kunoona zvichitamba sezvo veruzhinji vasiri kutenderwa kuungana nekuda kwedenda reCovid-19.

Achitaura, mukushi wemashoko weZimbwe Cricket (ZC) Darlington Majonga, anoti chikwata chavo chakagadzirira zvakasimba uye chicharwa semvumba kuti chigohwina mitambo iyi iyo iri kushandiswa kurwira kuenda kuWorld Cup.

“Takaita gadziriro dzedu dzakanaka dzikafamba zvakana saka tave kutarisira kuti tigokunda mumutambo wedu neBangladesh.

“Mutambo uyu unove weSuper League uye ndiyo mimwe yemitambo iri kushandiswa kurwira kuenda kuWorld Cup saka tinotofanirwa kuhwina,” anodaro.

Anoenderera achiti, “Mutambo wezvikwata zviviri iyi yose ichatambwa munhandare isina vatsigiri senzira yekuderedza kuunganidza veruzhinji izvo zvisiri kutenderwa nemitemo yenyika nekuda kwedenda reCovid-19.

“Saka vatsigiri vedu vanoda kuona mitambo yedu vanogona kuiona paZTV kana padandemutande reYouTube.”

Mitambo yeODI iyi ichatambwa mazuva anoti musi weChishanu imwe miviri yozotambwa musi wa18 na20 Chikunguru.

Kana zvapedza kubandana mumitambo yeODI, zvikwata zviviri izvi zvichabva zvatanga kutamba mitambo yeTwenty20 (T20) mitatu iyo ichatambwa mazuva anoti 23, 25 na27 Chikunguru.

Zvichakadaro, ZC yange ichitungamira pachirongwa chekubaiswa vatambi vayo nhomba dzeCovid-19 izvo zvaona vatambi nevarairidzi vanosvika 27 vachitobaiwa majekiseni kana kuti nhomba inodzivirira chirwere cheCovid-19.

Share This:

Sponsored Links