Votambira mari vachipika jeri

06 Sep, 2022 - 16:09 0 Views
Votambira mari vachipika jeri Anju Farm Prison

Kwayedza

Bongani Ndlovu

MAI Belinda Sibanda (27) vaiva nepamuviri pemwedzi miviri apo murume wavo, Mthelisi Sithole (30), akasungwa ndokuvharirwa mujeri nemhosva yekuda kuponda gore rakapera.

Izvi zvakavasiya vachinetseka kuchengeta vana vavo vatatu.

Mai Sibanda, avo vanogara kuMakokoba kuBulawayo, pari zvino vave nemwana mukomana ane gore nemwedzi mina yekuberekwa uye vanga vachinetseka kuriritira vana vavo pamwe nekuvabhadharira mari dzechikoro.

Asi, izvozvi kushushikana kwose kwapera sezvo vari nhengo dzemhuri dziri kubatsirwa pasi pechirongwa chePrisoner Employment Programme (PEP) icho chinotungamirwa neZimbabwe Prison and Correctional Services (ZPCS) ichibatsirana nekambani yeMcDonald Bricks yekuBulawayo.

Vamwe vevasungwa 93 vemujeri reAnju Farm Prison kuMatabeleland North, avo vari kushanda paMcDonald Bricks kunze kweguta reBulawayo, svondo rapera vakapa hama nemhuri dzavo mari inosvika $50 000 yegirosari neyenharembozha.

Vasungwa vose vanobva kuAnju Farm Prison uye vakaiswa paMcDonald Bricks kubva gore rapfuura apo chirongwa ichi chakamutsiridzwa zvakare. Chakatanga muna2017, asi nekuda kweCovid-19 chakambomiswa mugore ra2020.

Mai Sibanda pavakakurukurwa navo pamusoro penyaya iyi, chiso chavo chairatidza kufara nekuona murume wavo uye panguva imwe chete vakanzwa kurerukirwa kuti zvichida mwedzi inoverengeka yenhamo yavakatsungirira yakanga yopera.

“Nhasi ndanzwa kurerukirwa sezvo ndichiziva kuti pane mari nechikafu chandinopa kuvana.

“Nhasi ndicharara zvakanaka nekuti zvanga zvichinetsa kuwana chikafu, asi iye zvino ndave nezvekudya zvakadai semafuta ekubikisa, shuga nezvimwe zvakadaro,” vanodaro Mai Sibanda.

Principal Rehabilitation Coordinator weZPCS mudunhu reMatabeleland North, Principal Correction Officer Shingirai Katswairo vanoti: “Pari zvino tine vasungwa 93. Vari pano paMcDonald Bricks ndevepajeri resatellite riri pasi peAnju Farm Prison.

“Tinotora vasungwa vemumajeri manomwe edunhu reMatabeleland North, vouya kuAnju Farm Prison vopinda muchirongwa ichi,” vanodaro PCO Katswairo.

Vanoti vasungwa vanobhadharwa mari neMcDonald Bricks kuburikidza neZPCS iyo inowana 60 percent yemari iyi uye vasungwa vachiwana 40 percent.

“Sezvo vasungwa vari pasi peZimbabwe Prisons and Correctional Services, kondirakiti yavo yebasa inosainwa pakati peZPCS neMcDonald Bricks vachivamiririra. Saka musungwa anowana zvikamu makumi mana kubva muzana, Hurumende yowana makumi matanhatu kubva muzana maererano nemubhadharo wekushanda kwavo,” vanodaro PCO Katswairo.

Vanoti vasungwa vanopinda muchirongwa ichi nekuda kwavo.

Share This:

Sponsored Links