Votambudzwa nedumwa rinofema

03 Jul, 2022 - 09:07 0 Views
Votambudzwa nedumwa rinofema Mhuri yekwaMasuwa

Kwayedza

Kingstone Mapupu

HARAHWA inogara kuSouthlea Park muguta reHarare – kumusha ichibva kwaChikwaka, kuGoromonzi – inoti yatambudzwa nemishonga inosanganisira dumwa rinofema iyo yayakanotora kuGorongoza, kuMozambique ichida kuba mombe zviri nyore uyewo nekuti isasungwe nemapurisa.

Izvi zvava kubuda zvichitevera kurwara nepfungwa kwava kuita vamwe vana veharahwa iyi pamwe nekusangana nematambudziko akasiyana muupenyu hwavo.

VaIsaiah Masuwa (76) vanoti vaiva mbavha yemombe yemakoko sezvo vaingonongedzera zvipfuyo uye kuburikidza nemishonga, mombe dzototanga kuvatevera sembwa kana kungoita mudungwe pamberi pavo dzichienda kwavaida.

Vanoti vakatanga kuba mombe kuma1974 kumapurazi evachena ekuShamva vachitengesa kumabhucha nekuvanhuwo.

VaIsaiah Masuwa vanoti nekufamba kwenguva, vakazofunga zano rekunotora mushonga wekuti vabe mombe zvakasununguka uye vasingasungwe nemapurisa.

“Ndakaba mombe dzakawanda kumapurazi evarungu kuShamva nekumwewo. Handichaziva huwandu hwadzo, pamwe dzinodarika zana saka yaiva garoziva kuti ndaitsvagwa nemapurisa nekuda kwemhosva idzi.

“Takazofurirana neshamwari yangu yandaiba nayo ndokuenda kuGorongoza kuMozambique uko ndakanopihwa dumwa raifema raigara rakasungirirwa kuruwoko rwangu rwerudyi uyewo nemushonga waigara mupiro izvo zvaiita kuti ndinyumwe kuti mapurisa vari kuuya kuzondisunga.

“Izvi zvakambondishandira ndichibudirira kusvikira zvakazofumuka ndikazosungwa,” vanodaro.

Baba naMai Masuwa

Vanoti vakazosungwa nekuda kwemhosva dzekuba mombe mugore ra1995 vakanopika makore mashanu.

“Nyaya yakaitika ndeyekuti ini neshamwari yangu takabva tichienda kuTea Estate kuChipinge tichida kunotanga tashanda kuminda yemasamba tozoyambuka kunodzidzira zvidavado zvehondo kuMozambique kuti tizodzoka tichirwisa mabhunu aitonga munyika muno. Basa takarishaya ndokubva tazoyambuka kunoromba kuti tirambe tichienderera mberi nekuba mombe asi tisingasungwe.”

Vanoti pavakatora dumwa iri, vakanzi vaizongorishaya voziva kuti rainge radzokera kumuridzi waro kuMozambique izvo zvakazoitika sezvo rakazongotsakatika.

“Dambudziko ravapo nderekuti vana vangu vari kupera kurasika njere uye kwandinofamba zvinonzi mushonga wekuba wandakanotora uyo wakapanduka. Ndine vana vatatu vari kurasika njere izvozvi uyewo pavana vangu vose, vasere marombe zvekuti hapana anoita zvinooneka.

“Vanasikana vari kufirwa nevarume nekurambwa uye zvinonziwo vanoitwa vakadzi nezvikwambo kuburikidza nemishonga iyi,” vanodaro sekuru ava.

Mumwe wevana vanorasika njere

Vanoti pakati pevanasikana vavo pane mumwe chete wavakaisa “mumvuri” kuti agonzi ndiye muroyi uyo anonangwa kwose kwavanofamba kunzi muroyi kunyangwe asiri.

Mazuva mashoma adarika, sekuru ava nemhuri yavo vakawanikwa vari pane imwe n’anga yekuWarren Park, muHarare uko vaitsvaga kubatsirwa padambudziko ravo iri.

Vamwe vemhuri iyi vaivepo vanosanganisira mudzimai wavo Mbuya Idah Zhakata Masuwa (69), Daisy Masuwa (51) mwanasikana Blessing Masuwa (37), Femia Masuwa (37) nemuzukuru wemhuri iyi anonzi Leavenois Masuwa (34) anova mwana wemwanasikana.

Sekuru Masuwa vanoti mumwe wemishonga yavakapihwa vaiisa mupiro kuti varote kune mombe dzekunoba pasina dambudziko uyewo nekuziva kuti vaive vavingwa nemapurisa.

Vanoti vakambopotsa vapisirwa mumba nevanhu kumusha kwavo kwaChikwaka nenyaya dzekuba mombe vasingasungwe.

“Ndakapotsa ndapisirwa mumba sezvo ndaisungwa ndaba mombe ndichingodzoka. Saka vanhu vakazenge vagumbuka ndokuda kundipisira mumba,” vanodaro.

Vanotizve vave kuda kubatsirwa kuchenurwa mishonga yavakatora iyi kuti mhuri yavo igare zvakanaka.

“Nyaya inonetsa ndeyekuti pamombe dzandakaba dzinogona kudarika kana zana, hapana chandakaburitsa chine musoro ndinongova murombo tose nevana vangu. Jeri ndakapika ku(Chikurubi) Maximum Prison muHarare kubva 1995 kusvika 1999.”

Mai Zhakata Masuwa vanoti pakafumuka mishonga yemurume wavo ndipowo pakavamba vana vavo kurasika njere.
“Wekutanga akatanga kurasika njere mugore ra1998 baba vari kujeri, wechipiri ndokurasika njere muna2004, wechitatu muna2019.

“Baba ava vaindivanzira zvinhu zvavaiita zvekunotora kwavo mishonga yekuba uye hapana chavakatenga nemari iyi. Vana vapera kurasika njere saka tave kutsvaga kubatsirwa.

“Pane mwana musikana akanga ava kunzi ndiye muroyi ivo baba ava zvinhu zvavo zvichihwanda,” vanodaro Mai Zhakata Masuwa.

Daisy, uyo ari kunangwa, akaridza mhere pan’anga iyi achiti anoda kucheneswa panyaya yaari kupomerwa iyi.

Daisy achichema

“Ini ndinonzi ndiri muroyi nemhuri yose iyi, kusanganisira naamai vangu chaivo vekundibereka. Handina chandinacho, ndinoshanda kukanzuru ndichicheka huswa.

“Pandakatenga masofa ndipo pandakanzi ndiri muroyi ivo vari baba vakaromba nekuda kuba mombe, ndinorwadziwa kani,” anodaro Daisy achiridza mhere.

Leavenois Masuwa anoti sekuru vake vaigara vachiramba kuti vakaromba zvisinei nekuti kwavaifamba ndivo vaibatwa.
Zvichakadai, vemhuri iyi vakazowirirana kuti vaunganidzana vose, vozoenda kunobatsirwa vari pamwe chete kuti dambudziko ravo ripere.

Share This:

Sponsored Links