Votatsurana mumitambo yenaph

22 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Votatsurana mumitambo yenaph

Kwayedza

ACHANGE ari makuwerere nomusi weChishanu chino paAlfred Beit Primary, muHarare, apo shasha dzakakunda mumitambo yakasiyana yezvikoro zviri mudunhu reHarare dzichange dzichitatsurana.

Kwayedza neMuvhuro uno yakashanyira zvikwata zvakanga zviri kukwikwidza pachidanho chedistrict zviri pasi peMbare-Hatfield District pachikoro cheNettleton Junior ndokuita hurukuro nazvo.

Mai Lilian Chidovori Tadzingwa, avo vanova sports director paNettleton Junior, vanoti vanasikana vazhinji vepachikoro chavo vakasarudzwa kukwikwidza mumitambo yebhora (ball games).

“Tine chivimbo chekunokunda, saka pachidanho ichi sangano reNational Association of Primary School Heads (NAPH) ndiro richasarudza chikwata chichanomiririra Harare Province pakati pematunhu manomwe ari muHarare. Pamakwikwi atakaita, takasangana nezvimwe zvikoro musi wa8 Chikumi paDavid Livingstone School tikatora nhamba yetatu mumitambo yebhora pakati pezvikoro zvinomwe,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Mukuru wechikoro cheNettleton, VaLeo Busvumani, vanotsigira zvikuru nyaya dzemitambo uye temu ino vakatenga mabhora matsva, zvekushandisa mumitambo yehockey nemimwe midziyo yakawanda. Pachikoro chedu tine vana vane matarenda akawanda zvikuru nekuti handi vose vanogona muchikoro. Saka sevarairidzi, zvakakosha kuti ticherechedze zvimwe zvipo zviri muvana.”

Vanoti sevarairidzi, vanofundisa vana mitambo yakasiyana. Vanoshuvira kuti kudai zvikoro zvakwanisa kuvawanisa rutsigiro rwekuti vanofundiswa humwe hunyanzvi hutsva maringe nezvemitambo.

VaNobert Mudzikati, vanova district coach kumitambo yenhabvu yevasikana, vanoti vanofara kusimudzira vane matarenda emutambo uyu.

“Pano tine chikwata chakasimba uye tinovimba kuti tichakunda zvisinei nekuti hatina hedu kuwana nguva yakakwana yekufundira,” vanodaro.

Makwikwi emhando iyi anogaroitwa gore negore achitsigirwa neNAPH.

Share This:

Sponsored Links