Uncategorized

Votemwa netsvina yevanhu

11 Oct, 2019 - 00:10 0 Views
Votemwa netsvina yevanhu Brendah Rupiya achitaridza paruoko paakatemwa nedombo rakabva mumhepo - Mifananidzo naTertia Makurumidze

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MHURI inogara kuHopley Zone 1, muguta reHarare —  asi kumusha ichibva kuBikita, KUmasvingo — inoti iri kungotemwa nematombo ari kubva mumhepo uku vana vachibvarurirwa mbatya nekurikitwa nezvinhu zvisingaonekwe.

Manenji aya akatanga mushure mekunge vana ava vafuma vakagerwa zvipiyaniso mumisoro.

Zvimwe zviri kuitika kumhuri iyi kungopotserwa netsvina yemunhu nyoro ichibva mumhepo, kubvutirwa chikafu chiri mumaoko uye vanhukadzi vachiitwa madzimai.

VaSeverino Muchandigona (53) nemudzimai wavo Manyara Masunda (48) vanoti vashaya zvekuita nemasaramusi ari kuitika kwavari.

“Dambudziko redu rakatanga pamusoro pemba pachipotserwa matombo nezvidhinha zvaibva mumhepo isuwo tichitemwa. Matombo aya akazopambira kuvavakidzani vedu, pamba panokandwa tsvina yevanhu nyoro uyewo kudya kunongodyiwa nezvinhu zvisingaonekwe,” vanodaro VaMuchandigona.

Vanoti matombo aya anopotserwa mumba chaimo, dzimwe nguva achivatema.

“Tine vana vatatu vatinogara navo kuno kuHarare vamwe vaviri vakuru vari kumusha kwaSabhuku Tambara, kuSilveira, kuBikita. Vadzimai vangu vakaona chingwa chavaibva kunotenga kutakishopu chichidyiwa vakachibata asi munhu aidya vasingamuone,” vanodaro.

Mashiripiti aya vanoti asvitsa masvondo maviri achiitika uye zvakatanga apo vana vavo vaviri vanoti wemakore 12 newemakore masere okuberekwa vose vakafuma vakagerwa chipiyaniso pakati pemisoro yavo.

“Panguva yose inokandwa matombo nechikafu chichidyiwa, tiri kushaya mari mumba zvakare tinotemwa nemari yesimbi zvikuru ma$0,25c nema$0,50c.

“Svondo rakapera vana vakafuma vakagerwa zvipiyaniso vachiti vaivaviwa zvikuru mumusoro. Takazoenda kuti vanogerwa zvakanaka vhudzi raiva rasara ndokuzoenda navo kuti vanoshandirwa,” vanodaro VaMuchandigona.

Vana vatatu vemhuri iyi vanonzi vari kugara vachibvarurirwa mbatya nezvinhu zvisingaonekwe.

“Mbatya dzevana dzinobvarurwa vakadzipfeka, kuita sedzadirwa acid. Dzimwe nguva vanoti vanonzwa kubatwa nevanhu vavasingaone dzobvarurwa, kudamburwa chaiko,” vanodaro VaMuchandigona.

Vanotizve rimwe zuva vana ava vakafugidzwa machira emazambia, mbatya dzavo dzikabvarurwa zvekusara vakashama ndokuzotizira kwababamukuru vavo vanogara munzvimbo iyi.

Mashoko avo anotsinhirwa nemudzimai wavo Mai Masunda vachiti vakaona bhodhoro redovi richisimudzwa mudenga kubva papush-tray nechinhu chaisaonekwa.

Bhodhoro redovi iri, vanodaro, rakazovhurwa dovi ndokunomborwa neminwe yemunhu wavaisaona.

“Ndakatya nechiitiko ichi ndikatadza kutaura, rakatozosvikira pakupera asi aidya ndisingamuone,” vanodaro.

Vanoti mumwe mwana wavo ari kubatwa nemweya uri kutaura kuti vachapfidza zvavo.

Munhu ane mweya uri kubudira pamwana uyu anonzi anoti anobva kuMalawi uye unenge uchitaura mazita evamwe vavakidzani nevehukama mumhuri yavo.

Mweya uyu unonzi uri kutaurawo kuti unoda nyama neropa revanhu, mbudzi mbiri nebhasikoro.

Mai Masunda vanoti matombo ari kuvatema akambozara mugomo wemarita 20.

“Rimwe dambudziko ratatarisana naro tiri kurohwa mbama nezvinhu zvatisingaone, zvikuru vana tinotonzwa vave kuchema vachiti vari kurohwa,” vanodaro.

Madziro edzimba dzemhuri iyi anonziwo anonzwikwa achirohwa.

“Zvipfeko zvemukati tiri kuwana zvaiswa mumapoto mune kudya tisingaone azviisa imomo. Chigubhu chine tsvina tiri kugara titichiona chakaiswa mumba asi anochiisa hatimuone,” vanodaro Mai Masunda.

Rimwezve dambudziko rakatarisana nemudzimai uyu anoti anoshereketwa naye nevarume vaasingaone.

Vana vatatu vemhuri iyi vanonzi havachaenda kuchikoro nekuda kwedambudziko iri.

Mhuri iyi inoti svondo rakapera saga ravo rechibage rakavhurwa chibage chikasiya charasirwa pasi. Mai Masunda

vanoti kusvika pari nhasi vashaya mari inokwana $179 mumba iyo inotorwa zvishoma nezvishoma.

Vanotiwo pavanoda kuti vaende kunobatsirwa kuchechi padambudziko iri, vanobva vatanga kutemwa zvakasimba.

Dzimwe nguva, vanodaro Mai Masunda, vanotemwa vave kuda kusvika pachechi.

Mai Masunda vanoti vari kumbotiza pamba vachienda kumba kwababamukuru vavo, VaMartin Muchandigona Dhiyo (63).

Matombo ari kubva mumhepo aya anonziwo ari kutema dzimba dzevavakidzani vemhuri iyi dzinosanganisira yaTichaona Makuvise (31) naBrendah Rupiya (27).

Rupiya anoti pamba pake pakaunganidzwa sadza nenyama pamusiwo izvo asina kuziva kwazvakabva uye akambotemwa pagumbo neparuoko nematombo emumhepo.  Pakashanyirwa pamusha paMuchandigona neKwayedza nemusi weChitatu chadarika, marata emba yavo anonzi akabva achekwa nechigero achiitwa maburi nechinhu chisina kuonekwa apo vatori venhau vakanga  vachangobvapo.

“Dzokai tave kutemwa nemari uyewo marata epamba apera kuchekwa. Solar yasimudzwa ikatanga kufamba yoga iri mumhepo, ndatozoimhanyira ndikaibata iri mudenga ichiita seinobhururuka,” vanodaro VaMuchandigona apo vairidzira munyori uno nhare.

Kune vanoda kubatsira mhuri iyi vanoridza nhare dzinoti 0783 162 673 kana 0776 882 707.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>