Votevera matsimba a’Dr Love’

17 May, 2019 - 00:05 0 Views
Votevera matsimba a’Dr Love’ Prince Chikahamadze nemudzimai wake, Evas Shungu

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MURUME nemudzimai wake — avo vasingaone — vakabura dambarefu ravo rekutanga rine nziyo shanu dzechitendero rinonzi Jehovha Ndiye Mufudzi Wangu.

Prince Chikahamadze (26) nemudzimai wake, Evas Shungu (27), vanove vagari vekwaGutu, kuMasvingo vanoti vari kutevedza matsimba emushakabvu Paul “Dr Love” Matavire aibva kwaMaranda, kuMwenezi uyo aiita zvinorova munyaya dzemimhanzi zvisinei nekuti akange asingaoni.

Chikahamadze anoti iye nemudzimai wake   vanorarama nekupemha mumabhazi nemumigwagwa.

Anoti parizvino vakambosiya zvekupemha vachipinda munyaya dzemimhanzi mushure mekuwaniswa rutsigiro naMazorodze Gadzikwa uyo akavabatsira mukutsikisa dambarefu iri.

Dambarefu ravo rine nziyo dzinosanganisira Ngaanamatwe, Ndiye Mufudzi Wangu, Vakakomborerwa naUchawana Mubairo Wei?

“Dambarefu redu ratova mumisika kutaura kudai,  asi chinangwa chedu ndechekuparidzira vanhu shoko raMwari kuburikidza nekuimba. Tinoda kuti vanhu vatendeuke vatye kutadza uye vade Mwari nemwoyo wese. Ini ndinoshaura nekuridza key board apo mudzimai wangu anobatsira nekushaura zvakare. Tinongoda kuti vateereri vedu vatipe mhinduro dzavo mushure mekuteerera nhapi-tapi yatakavaburira,” anodaro Chikahamadze.

Chikahamadze anoti akadzidza paKapota School for the Blind kwaZimuto uko akagumira Grade 7 nekuda kwekushairwa mari.

Mudzimai wake anoti haana kumbodongororera musuwo wechikoro nekuda kwedambudziko rimwechete rekushairwa mari. Vaviri ava vanoti vakazvarwa vachiona asi vakazorasikirwa nemaziso nekufamba kwenguva panguva iyo vakanga vachiri vadiki kwazvo.

“Sevanhu vasingaoni, tinoshorwa zvikuru nevamwe vanhu apo vanotiona tichipemha asi tine zvipo zvedu zvinobatika izvo zvinoramba zvichitsimbirirwa nekuda kwekushaiwa rutsigiro,” anodaro Shungu.

Anoshora zvakare nyaya yepairesi achiti inodzikisira budiriro yevaimbi sezvo pasina pundutso yavanowana kubudikidza nedikita ravo apo mhanzi yavo inotengeswa mumisika yemikoto.

Gadzikwa anoti agara ari munyaya dzekuimba apo anoshanda nechikwata cheThe Soul Healing pamwechete necheAmbassadors uye achiimba zvakare neChiedza Chevatendi.

 

Share This:

Sponsored Links