Voti Covid yakonzera kuparara kwewanano

17 Jan, 2022 - 16:01 0 Views
Voti Covid yakonzera  kuparara kwewanano

Kwayedza

Thandeka Moyo-Ndlovu

PANE kushushikana kukuru kuripo pamusoro penyaya dzekurambana kwevakaroorana muZimbabwe, apo vamwe vaongorori vanoti izvi zviri kuwedzerwa nekuvepo kwechirwere cheCovid-19, kusavimbika pamwe nekurasikirwa nemabasa.

Magwaro ari mudare guru reHigh Court anoratidza kuti nyaya dzinosvika 1 351 dzevanhu vakarambana dzakatongwa muna2021 kana dzichienzaniswa ne1 117 mugore ra2020.

Kunyangwe zvazvo nyaya yekusavimbika muwanano ichinzi ndiyo honzeri huru yekurambana kwemudzimai nemurume, magweta anoona nezvemhuri anoti denda iri riri kuita kuti pave nezvikonzero zvekurambana.

Kurasikirwa nemabasa, kushungurudzika mupfungwa pamwe nekuti vari muwanano vari kupedza nguva refu vari vose kudzimba nekuda kwezvirongwa zvekurwisa kupararira kweCovid-19 (lockdown), ndizvo zvimwe zvinonzi zviri kukonzera kuparara kwemichato.

Zvisinei, izvi zviri kuitika kumichato yakanyoreswa zviri pamutemo isingasanganisire yechivanhu nemimwe iyo iri kupararawo nekuda kwekuvepo kwechirwere cheCovid-19.

Gweta remhuri, VaDumisani Dube, vanoti wanano iri kushaya chiremerera zvishoma nezvishoma izvo zviri kupa vamwe hushingi hwekubuda muwanano vasingafunge pamusoro pekukanganiswa kunozoitwa upenyu hwevana nedanho ravanenge vatora.

“Tiri kuona kuti dambudziko rekunetsa kwemari kazhinji rinokonzera kusagadzikana muwanano nekuti pane zvakawanda zvinoitika kana vanhu vakangogara kudzimba vasina nzira dzekuwana nadzo mari.

“Vamwe vari muwanano zvakare vanotendera kuti matambudziko avanosangana nawo avapatsanure kusvikira vaparadzana,” vanodaro Dr Dube.

“Denda iri, iro ratekeshera pasi rose, rakonzera matambudziko makukutu kumhuri apo vakawanda varasikirwa nemabasa uye nzira dzinovawanisa mari. Panguva yeCovid-19 lockdown, vanhu vaisaenda kumachechi uko vanosangana nemafundisi nevamwe vavanonamata navo avo vanovatsigira nenzira dzakasiyana.”

Vanoti kunyangwe pasi rose, nyaya dzekurambana kwevari muwanano hadzichashamise.

“Kusashandiswa nemazvo kwedandemutande (social media) kuri kuita kuti zvive nyore kuti vari muwanano vasavimbike. Wanano haisisina chiremerera chayo zvakare, hapasisina ruremekedzo panyaya yewanano zvachose,” vanodaro Dr Dube.

Vanoti zvakakosha kuti vana vakure mumhuri ina baba naamai vari pamwe chete uye kuti vari muwanano vatsvage dzimwe nzira dzekugadzirisa matambudziko avanosangana nawo kwete kumhanyira kurambana.

Nyanzvi munyaya dzekuyananisa vari muwanano, Dr Herbert Ndlovu, vanoti kunyangwe zvazvo kurambana kuri kuwanda, vanhu vanofanirwa kusandura maitiro avo kuitira kuti dzimba dzisaparare.

“Tiri kushushikana zvikuru kuti wanano dzakawanda dziri kuparara munharaunda yedu uye zviri kuratidza kutowedzera. Nyaya dzekurambana dziri kuwedzerwa nematambudziko ekuoma kweupfumi izvo zvaita kuti vari muwanano vagare kure nekure, kunyanya panguva ino yeCovid-19,” vanodaro Dr Ndlovu.

“Kana vari mukadzi nemurume vachigara kure nekure senzira yekutsvaga raramo, vanofanirwa kushingairira kuti vave newanano yakanaka. Vanhu vari muwanano vari kunyanya kupedza nguva zhinji vachiita mabasa akasiyana uye havasisina nguva yavanoisa padivi nechinangwa chekusimbaradza rudo rwavo,” vanodaro.

Dr Ndlovu vanoshushikanawo pamusoro pekusatendeka kwevari muwanano, kunyanya pakati pevanamati, vachiti zviri kukonzera nyonga-nyonga mumhuri dzakawanda.

“Zvinotoshamisa kuona kuti vanhu vakawanda vanonamata vari kuita gumbo mumba gumbo kunze. Mucherechedzo usina kunaka uye usingatarisirwe kunesu tinozviti makirisitu. Kusavimbika kwevose varume nevakadzi kunokonzera kusagadzikana kwemamiriro ezvinhu, izvo zvinoita kuti pave nekurambana uye kushaya mufaro mudzimba.”

Nyanzvi yezvechivanhu, Mai Sinenhlanhla Gumede, vanoti wanano dzechivanhu dziri kupararawo nekuda kwechirwere cheCovid-19.

“Zvisinei, hatinai huwandu hunoratidza kuti kudivi iri zvakare vanhu vari kurambana. Covid-19 yaburitsa pachena zvakawanda zvaive zvakavanzika uye kukundikana nekudaro hatishamisike kuona vanhu vachirambana kunyangwe zvazvo vachipomera kuoma kwenyaya dzeupfumi,” vanodaro

“Hatina ruzivo rwekuti izvi zvingagadziriswe sei, asi tose tinoshuvira nguva iyo apo kubatana kwemhuri kwaikosheswa uye kurambana kwakange kusingaitike nyore sezvavako mazuva ano.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey