Votongerwa kugara nenyoka

17 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Votongerwa kugara nenyoka Queen Mpofu

Kwayedza

Abel Zhakata

DARE reMutare Magistrates Court svondo rapera rakatara musi wa4 Kukadzi sezuva richatanga kutongwa nyaya yevakadzi vaviri vanonzi vakabatwa vaine mukweshwa weshato mune imwe hotera.

Vaviri ava vari kupomerwa mhosva yekugara nenyoka iyi zvisina mvumo pasi pemutemo weParks and Wildlife Act.

Chaunga chevanhu chakaungana padare iri vachifungidzira kuti nyaya iyi itange kutongwa asi vakaudzwa kuti ichapinda mudare mwedzi unotevera. Vari kupomerwa mhosva iyi ndiQueen Mpofu naLoice Samhere avo vakapihwa bhera nedare guru reHigh Court nguva pfupi yadarika.

Vanonzi vakatyora mutemo weSection 45 sezviri muSection 128 yeParks and Wildlife Act uyo unorambidza kuvhima, kuchengeta kana kugara nemhuka dzinochengetedzwa pasi pemutemo wenyika.

Zvinonzi mwedzi wadarika, pane mumwe murume akanga akecha mukadzi anotengesa muviri wake paGreen Gate Lodge inova yaSamhere apo akazoona shato yakareba mamita 6 iri “muroom” inogara Mpofu. Nyaya iyi yakabva yamhan’arwa kumapurisa zvikaita kuti Mpofu asungwe.

Zvisinei, nyaya iyi yakazokwidza makata apo Mpofu akaudza mapurisa kuti nyoka iyi ndeyaSamhere zvikaita kuti asungwewo.

Share This:

Sponsored Links