Votsigira kubaiwa nhomba kwevana

22 Mar, 2022 - 09:03 0 Views
Votsigira kubaiwa nhomba kwevana

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VABEREKI, vana nevarairidzi vari kurumbidza chirongwa chakatangwa neHurumende neMuvhuro uno chekubaya nhomba dzekudzivirira chirwere cheCovid-19 kuvana vane makore anotangira pa12 ekuberekwa zvichikwira vachiti danho iri richabatsira zvakanyanya mukurwisa kupararira kwedenda iri.

Mai Pretty Murambiwa vekuMbare, muHarare vanoti kubaiwa kwenhomba kuvana kuchabatsira mukuderedza nyaya dzekurasikirwa nedzidzo sezvo nguva yadarika zvikoro zvaimbovharwa senzira yekurwisa kupararira kwedenda iri.

“Kana nyanzvi dzezveutano dzakajekesa kuti vana vabaiwe pamazera iwayo, hatione paine chakaipa nekuti chinangwa chikuru ndechekuchengetedza utano hwevana vedu pamwe nevarairidzi vavanoswera navo muzvikoro. Kana vana vakadzivirirwa, zvichaita kuti dzidzo ifambire mberi pasina zvimhingamupinyi zvekuti vana vanomboita temu yose vagere kumba nekuda kwekuti kune Covid-19,” vanodaro.

Mashoko avo anotsigirwa naMai Kudzai Bishop vachiti kubaiwa nhomba hachisi chinhu chinotyisa nekudaro vana vanotofanira kubaiwa senzira yekuchengetedza upenyu hwavo.

“Majekiseni eCovid-19 takatoabaiwawo saka hachisi chinhu chatingati tingatyira vana vedu kuti vasabaiwe nekuti hunenge huri kutsinye kana isu vabereki tikavarambidza. Izvozvi kune nyaya dzechirwere cheCovid-19 dzanetsa muzvikoro saka hazvibatsire kuti vana varasikirwe nedzidzo nekuda kwehurwere kana mishonga yekudzivirira iripo,” vanodaro.

Mai Eugenia Mutarahwa vanoti vadzidzi vanofanira kubaiwa nhomba nekuti ndivo vari panyatwa huru yekubatwa neCovid-19.

“Vamwe vana vanoenda kuzvikoro vari mumabhazi vakazara zvekusvika pakugarana chaiko. Vasvika muzvikoro, vanosangana nevamwe vana vanobva kumhuri dzakasiyana, kumwe kunenge kuri kutorwariwa neCovid-19.

“Tikatarisa nzvimbo dzinoswera vana vedu, tinoona zvakakosha kuti vadzivirirwe nekuti kudzivirira kwakakosha pane kuzodhurirwa nekurapa chirwere chacho,” vanodaro.

Mutevedzeri wemutungamiriri wenyika vari zvekare gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Vice President Constantino Chiwenga nemusi weSvondo vakazivisa kuti vana vane makore 12 zvichikwira vachange vobaiwa nhomba dzekudzivirira Covid-19 kutanga neMuvhuro uno.

Chirongwa ichi chiri kutsigirwa nebazi rezveutano nekurera kwevana uye chichaitwa muzvikamu zviviri mumwedzi waKurume, Kubvumbi naChivabvu 2022.

“Chirongwa chekutanga chinotanga nemusi wa21 Kurume kusvika 3 Kubvumbi apo chechipiri chichitanga musi wa2 Chivabvu kusvika 15 Chivabvu 2022.

“Vose vakakodzera kubaiwa nhomba vanoenda kunzvimbo dzinobairwa vanhu vachinobatsirwa kubvira panhomba yekutanga, yechipiri kusvika pane yechitatu,” vanodaro Dr Chiwenga.

Kubaiwa nhomba uku kuchaitwa muzvipatara, muzvikoro, mumabasa, mumisika, kumachechi nedzimwe nzvimbo dzinokwanisa kusvikwa neveruzhinji nyika yose.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey