Votsvaga rubatsiro rwevana

03 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Votsvaga rubatsiro rwevana

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wemubhuku raBandera, kwaMudzimu, kuHurungwe, anoti aomerwa nekuriritira vana vake vana avo vanorarama nehusope sezvo ari kukundikana kuwana zvavanoda, izvo zvakonzera kuti vatadze kuenda kuchikoro, kuwana mishonga nekudya kunofambirana navo.

VaSteven Nyamapfeka (62) – avo pari zvino vari kugara kuHatcliffe Extension, muHarare — vane vana vanomwe, vana vacho vanorarama nehusope.

“Vana chipo chinobva kuna Mwari, ini ndinodada nevana vangu vanomwe vandakapihwa naNyadenga. Mukati mevana ava, 4 vavo vanorarama nehusope uye vana vakadai vanoda kuchengetwa vachirapiswa nekuwana kudya kwakanaka nguva dzose.

“Zvino ini handishande saka ndine dambudziko rekuwana zvinodiwa nevana ava.

“Basa rangu nderekukoma migomo nemapoto saka mari handina,” vanodaro.

Vana vanorarama nehusope kunoti vakomana manyambiri vane makore masere ekuzvarwa, mumwezve mukomana wemakore matanhatu nemusikana mudiki ane gore nemwedzi mishanu yekuberekwa.

“Takaroorana nemudzimai wangu Senny Gwebu (39) mugore ra1996 ndokuita mwana wedu mukomana dangwe uyo ava nemakore 21 okuberekwa, wechipiri ava nemakore 16 nevamwe vakazotevera mapatya vechitatu vanorarama nehusope ava.

“Mbereko yedu yechina neyechishanu takazvarazve vana vanorarama nehusope. Asi isu tinozvitambira,” vanodaro.

VaNyamapfeka vanoti vanoda mari yekugara vachinorapisa vana ava kuburikidza neganda ravo rinoda mafuta anopindirana naro uye yechikafu chavo nezvimwe.

“Pane mhando yemafuta anodiwa anozorwa nevana ava asi hatina mari yacho. Vanodawo kudya kunopindirana navo uko tisingakwanise kutenga.

“Vanogara vachiita mapundu nematuzu muviri wavo uye tinonzi tipote tichienda navo kumachiremba nekuda kwehutsva hunoita paganda ravo zvichikonzerwa nezuva.

“Mbatya dzevana ava hatina, izvozvi vari kufamba vasina shangu. Chikoro vakarega nekushaya mari, zvikuru matwins aya nemumwe anga ava kuenda kukireshi. Wekupedzisira haasati opinda chikoro.”

VaNyamapfeka vanoti dambudziko iri rakonzerawo kuti vamwe vana vavo vatatu vasingararame nehusope vatadzewo kuramba vachienda kuchikoro, kureva kuti vana vavo vose vakangogara pamba.

“Tave kungogara takatarisana nevana pasina anoenda kuchikoro. Munongoziva miromo yevanhu haimharwe nenhunzi, vamwe vanototiseka vachiti takaromba nekutaurawo zvakawanda nekuda kwemamiriro evana vedu.

“Mapatya anga ava kuita Grade 3 neuyo anoenda kuECD. Tine mumwe mwana aifanirwa kuenda Fomu 1 watashairwawo mari, mukomana mukuru ndiye chete akakwanisa kupedza chikoro tikamuitisa kosi.

“Dambudziko riripo nderekuti kuno kwatinogara hakuna zvikoro zvemakanzuru kana zveHurumende izvo zvakareruka saka vana vanoenda kuzvikoro zvakazvimirira nemakoreji anodhura,” vanodaro VaNyamapfeka.

Vanoti vane zvikwereti zvevana vavo vose zvemari yechikoro inosvika $500 uye pamwedzi vanoti vanofanirwa kuenda nevana ava kwachiremba uko kunodiwa $100 panguva yoga yoga.

“Imba tinoroja makamuri maviri apo tinobvisa $50.

“Izvozvi ndatova nenguva ndichitadza kubvisa rendi zvekuti muridzi wemba anotondinzwira tsitsi nekuda kwemamiriro eupenyu hwangu, angadai akandidzinga pamba pake.”

Kumasangano anomirira vanhu vane husope vanoti vanoenda asi hapana rubatsiro rwavanowana.

“Ndinoda kuti vana vangu vanorarama nehusope vave neutano vowana kudya kwakanaka, vozoendawo kuchikoro,” vanodaro.

Mai Gwebu vanoti dai mhuri yavo yawanawo rubatsiro.

“Hupfu chaihwo hatina, tinongoti tinorarama seshiri isingazive kuti ichadyei nhasi kana mangwana,” vanodaro.

Kune vanoda kubatsira mhuri iyi vanokwanisa kuridza nhare dzinoti 0774 578 151 kana kuvawana panhamba 6433 kuHatcliffe Extension.

 

Share This:

Sponsored Links