Vovakirwa chikoro chitsva

22 Mar, 2019 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VAGARI vekupurazi rakagariswa vanhu patsva reHarveydale riri kuRuwa, kuGoromonzi, vanoti vari kufara zvichitevera kuvakwa kwechikoro chitsva chesekondari neHurumende sezvo vana veko vachinzi vanga vachitambura apo vanofamba nzendo refu kuenda nekudzoka kuchikoro.

Chikoro cheHarveydale Secondary chinowanikwa papurazi reHarveydale mumugwagwa unobva kuEpworth uchidarika nekuMbizi Game Park uchinosvika kuMarondera.

Mumwe wevagari vemunzvimbo iyi – Anesu Dzingirai (24) – uyo ari kuchengeta pachikoro ichi uye achimirira chikwata chevechidiki munyaya dzebudiriro munzvimbo iyi, anotenda nekuda kwekuvakwa kwechikoro ichi.

“Ino inzvimbo itsva yakagariswa vanhu neHurumende uko takasvika kusina zvikoro, kwaingova neminda nemadhirihora ekupisira fodya chete. Tasvika isu, vana vemuno vakatanga kuenda kuzvikoro zviri kure zvikuru zvinosanganisira kuDomboramwari Secondary iri kuEpworth, kuzvikoro zviri kuChitungwiza nekwaMurape Secondary kumwewo ekwaSeke uko vana vanofamba makiromita anodarika makumi maviri,” anodaro.

Dzingirai anoti vamwe vana vanoguma vave kutadza kuenderera mberi nechikoro nekuda kwemitunhu yavanofamba iyo yakarebesa.

“Chikoro ichi chakatanga kuvakwa kumavambo egore rakapera uye tinotarisira kuti chitange kushanda kumavambo kwetemu iri kutevera. Vana vesekondari chete ndivo vachabatsirwa nechikoro ichi.

“Tine vana vakawanda vakasiira chikoro panzira, vamwewo vanasikana vachiitiswa pamiviri nekuda kwenzendo dzavanofamba kuenda nekudzoka kuchikoro. Saka tinotenda zvikuru nekuvakwa kwechikoro ichi,” anodaro.

Kuvakwa kwechikoro ichi kunonzi kuri kufambira mberi zvakanaka, pari zvino chava nemabhuruko matatu ekudzidzira uye anonzi anofanira kusvika matanhatu kuti akwanise kudzidzirwa nevana kubva Fomu 1 kusvika Fomu 4.

Vana vepuraimari vanonzi vane zvikoro zvagara zvirimo munzvimbo iyi izvo vanopinda kusiyana nevesekondari.

“Chikumbiro chedu sevana vemuno kuti tiwaniswewo mabhenji, macheya nemateburu ekuti vana vashandise. Tinodawo mabhuku acho ari kufambirana nedzidzo itsva ekuverenga neekunyorera. Kune vanoda kutibatsira vanogona kuridza nhare panhamba dzinoti 0783 395 891,” anodaro.

Mukuru wemasabhuku munzvimbo iyi – uyo akangozivikanwa saSabhuku Tsuro – havana kukwaniswa kuonekwa neKwayedza apo yakashanyirwa dunhu iri.

 

Share This:

Sponsored Links