Vowana mari vachishandira pasi pemuti

08 May, 2023 - 11:05 0 Views
Vowana mari vachishandira pasi pemuti VaMartin Muroiwa

Kwayedza

Kingstone Mapupu

CHIKWATA chevarume 15 vekuGlen View 8, muguta reHarare, chiri kuwana chouviri nekuveza pamwe nekunama macheya, matebhuru nezvimwe izvo zviri kuvararamisa.

VaMartin Muroiwa (46) vanova sachigaro mubasa rekuveza iri, vachiitira pasi pemuti panosangana mugwagwa waWillowvale na17th Avenue, kuGlen View 8, vanoti vakatanga mugore ra2000.

“Ini ndakakurira muno muGlen View ndichiona vabereki vangu nevamwe vachirarama nemabasa emaoko. Ndapedza chikoro nevamwe vangu, takazopinda mumabasa rekuzvishandira nemaoko iri tichigadzira macheya nezvimwe kusvikira nanhasi tinongova pano pasi pemuti sezvo tisina nzvimbo yakanaka yekushandira. Tinodarika 15 mubasa redu iri, mumwe nemumwe achizviitira basa rake,” vanodaro VaMuroiwa.

Vanoti vanogadzira matafura nezvigaro zvacho, zvigaro zvemuzvikoro uye nezvimwe zvinodiwa mumahofisi.

VaMuroiwa vanoti zvigadzirwa zvavo zvizhinji vanogadzira nemarata, simbi nemapuranga izvo vanoita zvekubhendesa marata nemichina vozonama nekupenda.

“Takangotsvaga nzvimbo ino yatinoshandira toga, takanyorera kukanzuru kuti itiwanise nzvimbo yakanaka kunyange ipo pano tokwanisawo kuvaka shedhi yekushandira pasingapinde zuva uye pasinganaye. Tinoshandira pamhene nekudaro zvinotikanganisa basa zvichiita kuti munguva yekunaya titakura midziyo yedu kunochengetera kudzimba,” vanodaro.

VaMuroiwa vanoti zvinhu zvavo zvine mitengo yakaderera zvikuru sezvo vachida kuti zvikurumidze kutengwa.

VaMartin Muroiwa vachitaridza mimwe yemidziyo yavanogadzira – Mifananidzo naNicholas Bakili.

“Zvinhu zvatinoshandisa pakugadzira midziyo yedu tinozvitenga muno muguta reHarare sekuMbare zvinosanganisa simbi nemarata nemapuranga, machira, zvipikiri nependi yacho. Tine zvitoro zvikuru zvatinopa midziyo iyi, vanotipawo mari zvisina dambudziko.”

VaMuroiwa vanokurudzira vamwe vechidiki kuzvishandira vachiti mabasa emaoko anopa mari zhinji kudarika kushanda pakambani.

“Isu hatina kumbobvira takaenda kunotsvaga mabasa kukambani, ini nevamwe vangu takangotanga tichizvishandira kusvika izvozvi vana vanoenda kuzvikoro nekudya nekuitawo zvimwe mukurarama. Vechidiki ngavadzidze mabasa emaoko vagozvishandira pasina dambudziko,” vanodaro.

Murume uyu anoti basa rinombovawandira zvekuti vanoshanda nehusiku.

“Ndinonyanya kutenda zuva guru revashandi richangodarika iri uyewo nekukurudzira Hurumende kuti irambe ichisimudzira vashandi, vangava vanoshanda mumabasa nevanoita mabasa emaoko sesu kudai,” vanodaro VaMuroiwa.

Vanoenderera mberi vachiti: “Chishuwo chedu kuti tikwanise kunyoresa kambani yedu tovaka mudhuri watinoisa magetsi nemvura tichishanda zvakanaka.”

VaMuroiwa vanotiwo vane dzimwe nyanzvi dzekuveza nekugadzira midziyo dzakavadzidzisa idzo vamwe vacho vakaenda kunyika yeSouth Africa uko vari kuita basa iri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>