Vowana mvura yakachena

09 Jul, 2021 - 14:07 0 Views
Vowana mvura yakachena

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VAGARI vepapurazi reBlackfordby riri pedyo nekoreji yezvidzidzo zvekurima  yeBlackfordby, kuConcession vari kutenda  nekuwaniswa mvura yakachena inobva mumapombi nguva dzose rinova danho guru mukurwisa chirwere cheCovid-19.
Purazi iri rinowanikwa pakati peConcession neNyabira apo panogara vanhu vakawanda vaimbova vashandi vepapurazi iri asi vave kurarama nekurima nekuitawo mamwe mabasa.

Komboni iyi inogara mhuri dzinodarika zana, uye vose vakaisirwa mapombi emvura iyo inobva muchibhorani chakachereswa neBlackfordby Agriculture College.

Mai Pamhidzai Simonje (34) vanova mumwe wevagari vemukomboni yepapurazi apa uye vachimirira chikamu chekodzero dzemadzimai, vanotenda kuwaniswa mvura yakachena rinova danho guru pakurwisa Covid-19.

“Vabereki vedu vaishandira murungu aiva pano kusvikira Hurumende yazotora purazi rino ndokutigovera minda, tine chikoro chekoreji yeBlackfordby chinodzidzisa zvidzidzo zvekurima icho chakazoisa mapombi kubva kuchibhorani chavo anounza mvura kuruzhinji rinova danho ratinotenda zvikuru. Tave kugara muutsanana, kunyange chapa inogumisira yaakunyara yozvishambidza,” vanodaro Mai Simonje.

Vanoti mapombi akaiswa mumusha uyu anodarika gumi kuitira kuti vanhu vachere mvura vakataramukana sezviri kukurudzirwa neveutano mukudzivirira kutapurirana Covid-19.

“Mvura iyi haina painonzi yapera, inogara iriko nekuti mumatangi makuru aripo inogara yakapomberwa ichizongodzikiswa kumapombi edu mukomboni. Kureva kuti utsanana tinaho pano huzere,” vanodaro Mai Simonje.

Semutungamiri wemadzimai, vanoti vanokurudzira kuti vanhu vanoenda pamapombi apa vachichera mvura vapfeke mamasiki nekuzorawo mishonga yemasanitiser.

“Vabereki vazhinji muno vanoswera kumabasa saka tinogara tichiita misangano yekudzidzisa vabereki ava kuti vana vavo vaite utsanana nguva dzose kuti tisawane mumwe wedu muno anobatwa neCovid-19.”

Mai Simonje vanotenda sachigaro wavo, VaMutupanyama nekuda kwekugara vachifamba vachikurudzira ruzhinji kuti vatevedzere zvose zvinodiwa munyaya yekurwisa Covid-19.

“Nekuda kwehutsanana hunogara huchiitwa mukomboni muno zvichisimbiswa nekuwaniswa kwatakaitwa mvura yakachena, hatisati tawana munhu abatwa nedenda iri muno, uyewo zvirwere zvemanyoka izvo zvaimbonetsa zvava zvishoma,” vanodaro Mai Simonje.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey