Vozvivakira kiriniki kuRushinga

21 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
Vozvivakira kiriniki kuRushinga

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
VAGARI vekuNyatsato, kwaMakuni, kuRushinga, vava kuzvivakira kiriniki zvichitevera nzendo refu dzavari kufamba pari zvino kana voda kurapwa.

VaGodfrey Rushinga (84), avo vanova Sabhuku Chitokora, vanoti vakaunganidzana sevagari vemunzvimbo iyi vaona kukura kwedambudziko rekushaya kwekurapwa ndokubvumirana kuti vavake kiriniki yeNyatsato.

Vakatotanga kukanya zvidhinha nekuunganidza jecha pamwe nevhu rekuvakisa.

“Takatanga chirongwa chekuvaka kiriniki iyi mugore ra2014 apo tiri kubatsirwa nesimende nesangano rakazvimirira reWorld Vision. Izvozvi takapedza kuvaka dzimba dzekugara vakoti nevamwe vashandi vepakiriniki yedu inova imba ine mipanda 16. Kiriniki yacho ndiyo yatiri kuenderera mberi kuvaka,” vanodaro Sabhuku Chitokora.

Chidziro chekiriniki iyi chasvika padanho repamusoro zvikuru kudarika mahwindo.

Sabhuku Chitokora vanoti mapuranga nemarata zvose zvavapo kusanganisawo simende yekupedzisa basa iri.

“Hapana munhu ari kubhadharwa mukuita basa iri kubvira kumabhiridha nesu tinoita mabasa ose-ose. Kureva kuti nguva ino yeZhizha tinombomira kuita basa iri tichishanda muminda yedu. Tinotarisira kuti kiriniki iyi inopera munguva pfupi iri kutevera kana tambopedza mabasa emuminda tadzokera kubasa iri,” vanodaro.

Sabhuku Chikotora vanoti dambudziko ratarisana nekuvakwa kwekiriniki nderekuti vakacheresa chibhorani chakareba mamita 90 vakatadza kubata mvura uye vane hurongwa hwekuwedzera kuchichera.

“Tiri kuramba tichikanya zvimwe zvidhinha sezvo zvichinzi kuri kudiwa zvimwe pamusoro. Zvidhinha zvakapinda pakiriniki iyi zvinodarika 50 000 izvo zvakavakiswa kare, izvozvi tinoda zvimwe 50 000 sezvo tichiri kuvaka zvimbuzi,” vanodaro.

Kanzura wenzvimbo iyi yeWard 22, VaMusafare Nyambani – avo vakataurwa navo panhare – vanorumbidza vagari venzvimbo yavo nekuzvipira kumbosiya mabasa emudzimba dzavo vachinovaka kiriniki iyi pachena.

“Ndinotenda zvikuru vagari venzvimbo ino nekuzvipira kuvaka kiriniki iyi. Zvichabatsira kuti vanhu vakwanise kurapirwa padyo nekubatsirwawo kwemadzimai akazvitakura,” vanodaro.

Pari zvino vagari venzvimbo iyi vanonorapwa kuchipatara cheMary Mount, kukiriniki yeMakuni, kuNyabawa kana kuchipatara cheRushinga kunova kure zvikuru.

Dunhu iri rinonzi rinonetsa zvikuru nedenda remalaria, manyoka nekurumwawo nenyoka.

Share This:

Sponsored Links