Uncategorized

VP Mohadi vorumbidza chipatara cheBaines

08 Nov, 2019 - 18:11 0 Views
VP Mohadi vorumbidza chipatara cheBaines Vice President Mohadi (kurudyi) vachimema chipatara cheBaines Intercare Medical Centre pamwe chete naProfessor Mthuli Ncube (vechipiri kubva kurudyi) naDr Obadiah Moyo.

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

MUTEVEDZERI wemutungamiriri wenyika Vice President Kembo Mohadi vanoti zvipatara zvakazvimirira zvakakosha zvikuru munyika sezvo zvichibatsiridza kuti pave nekurapwa kweveruzhinji kwemhando yepamusoro.

VP Mohadi vakataura mashoko aya apo vaimema chipatara chakazvimirira cheBaines Intercare Medical Centre chiri muHarare.

Vakamema chipatara ichi pamwe chete negurukota rezvehutano nekurerwa kwevana Dr Obadiah Moyo, negurukota rehomwe yenyika, Professor Mthuli Ncube.

VP Mohadi vanoti Hurumende iri kukurudzira kubatana nemakambani akazvimirira mukuvandudza upfumi hwenyika kuburikidza nekuvaka, kuvamba mabhizimusi nekuvandudza zvipatara munyika.

Vanorumbidza Baines Intercare Medical Centre nekuvaka chipatara chemhando yepamusoro icho vanoti zvipatara zveHurumende zvinodzidza zvakawanda kubva kwachiri.

“Kunyaya dzeutano, vezvipatara zvakazvimirira vanobatsira zvakanyanya kupa veruzhinji rubatsiro rwemhando yepamusoro. Chishuviro chedu seHurumende kuti tive nemaTripple Ps (Private Public Partnerships) kunyaya dzezveutano sezvo mubatanidzwa wevakazvimirira nezvipatara zveruzhinji uchibatsira pakuti veruzhinji vanowana rubatsiro rwemhando yepamusoro uye vanenge vaine sarudzo yekwavanoda kurapirwa.

“Zvatiri kuona pano mucherechedzo wezvinowanikwa kunyika dzakabudirira uye zvinoratidza kuti vakazvimirira vanowana mikana yakasiyana yekuunza zvekushandisa pakurapa izvi nenzira dzakasiyana neHurumende asi zvese zvinobatsira kune veruzhinji vanenge vachida kurapwa,” vanodaro.

Dr Moyo vanotsinhira mashoko aya vachiti kubatana kweHurumende nezvipatara zvakazvimirira munyaya dzezveutano kunobatsira sezvo Hurumende isingagoni kumira yoga pakuvandudza zvipatara zvayo.

Vanoti Hurumende iri kuwana rutsigiro rwakasimba kubva kuzvipatara zvakazvimirira mukuvandudza kurapwa kwevanhu.

Prof Ncube vanoti bazi ravo riri kuongorora mari yebhajeti yegore rinouya ichapihwa kubazi rezveutano nekurerwa kwevana nechinangwa chekuti igowedzerwa.

Vanoti izvi zvinobatsira zvakanyanya mukusimudzira zvipatara zveveruzhinji munyika uye kuti mishonga nezvekushandisa zviwanikwe nyore.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey