Vungu yavakirwa kiriniki itsva

11 Mar, 2023 - 14:03 0 Views
Vungu yavakirwa kiriniki itsva Riverdale Health Centre

Kwayedza

Abel Ndooka

VANHU vanodarika 10 000 vekuRiverdale, kuVungu, kuGweru, vanotarisirwa kubatsirika zvakanyanya nekuvakwa kwekiriniki itsva sezvo vange vachifamba nzendo dzinodarika 40km vachitsvaga kubatsirwa.

Kiriniki yeRiverdale Health Centre yakavakwa nemushandirapamwe weHurumende, sangano reJointed Hands Welfare Organisation nenyika yeJapan.

MuWard 9 yenzvimbo iyi mange musina chipatara kana kiriniki izvo zvaiona vagari vemo vachifamba dzendo refu kuenda kuGweru kune chipatara chiri pedyo kana kuConnemara kune kiriniki, chinambwe che20km.

Izvi zvaiita kuti vanhu vazhinji vatadze kuenda kunotsvaga rubatsiro kana vachinge varwara uye mamwe madzimai vachibarira mudzimba.

Kiriniki itsva

Programs manager weJointed Hands Welfare Organisation, VaPeter Dube, vanoti chinangwa chesangano ravo kurwisa zvirwere zvinosanganisira HIV, AIDS neTB saka vakaona zvakakodzera kuti vavakise kiriniki iyi.

“Chirongwa chekuvaka kiriniki iyi chakatanga mugore ra2017 uye chave kubatsira vagari vakawanda vemunzvimbo iyoyi. Basa rekuvaka kiriniki rakauya uri mushandirapamwe wedu neHurumende kuburikidza negurukota rezveutano nekurerwa kwevana.

“Mutsvakurudzo yakaitwa, pakaonekwa kuti munzvimbo iyi maive musina kiriniki kana chipatara saka vagari vemo kana vachida kurapwa, vaitofamba nzendo refu kuenda kuGweru izvo zvairemera vazhinji nekuti pamwe mari yebhazi vanenge vasina.

VaPeter Dube

“Iyi inzvimbo yaimbove mapurazi kare saka vamwe pavaifamba vachienda kuchipatara vaigona kurumwa nenyoka munzira poita rimwe dambudziko zvekare,” vanodaro.

District AIDS Coordinator (DAC) weNational AIDS Council kuVungu, Mai Sokuluhle Sibanda, vanoti munzvimbo yavo mune makorokoza akawandisa nekudaro vanotengesa miviri vanowandawo izvo zvinoita kuti zvirwere zviwande.

Mai Sokuluhle Sibanda

“Kuvakwa kwekiriniki ino kwakabatsira zvakanyanyisa nekuti vagari vemuno vange vachifamba kuenda kure kunotsvaga rubatsiro.

“Muno nyaya dzeHIV neAIDS dzakawanda nekuti kune makorokoza saka vasikana vanouyawo saka zvapave nekiriniki pedyo, zvava nyore kuti vanokurumidza kuwana rubatsiro, hunge kana zvashata.

“Asi isu tine zvirongwa zvatinazvo zvatinovakurudzira kuti ngavagare vakazvidzivirira nguva dzose kuitira kuti pasambowana mukana wekuti chirwere ichi chinyuke,” vanodaro Mai Sibanda

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey