‘Waita mari nekamba’

29 Oct, 2020 - 11:10 0 Views
‘Waita mari nekamba’ Maxwell Masimba

Kwayedza

Munyori weKwayedza

YAKAVE batai-batai pakati peguta reMutare nemusi weMuvhuro wadarika apo mudzimai anogara mumusha weMurambi aipomera murume wake kuti ane kamba yaanoshandisa nemushonga kuti aite mazimari.

Vanhu vaive pamutsetse wekutora mari pabhanga rePOSB vakaona firimu remahara apo Maxwell Masimba – uyo anozivikanwa zvikuru muguta iri – akaudza mudzimai wake Thulani Masimba kuti amupe vana vake.

Apo vaviri ava vaibva kudare kuri kutongwa nyaya yavo, Maxwell akatanga kudya marasha achangobuda mudare achipopotera ambuya vake achiti ndivo vanofurira mudzimai wake kuti asiyane naye.

“Handingangogara ndakatarisa muchiparadza imba yangu. Ndinoda vana vangu, havazi venyu. Pandakange ndichiri mupfumi hamuna kumbobvira mati mwana wenyu andisiye nekuti maibatsirikanawo. Asi iye zvino ndabhuroka handisisina mari, mave kufurira mwana wenyu kuti andisiye,” anodaro Maxwell achifemereka nehasha.

Thulani akabva pamba paaigara naMaxwell nguva pfupi yadarika uye ave kugara naamai vake.

Thulani Masimba

Akaendesa Maxwell kudare achida gwaro redziviriro uye vaviri ava vakamira pamberi pemutongi VaLazarus Murendo weMutare Magistrate Court.

Thulani akaudza dare kuti murume wake ane mhiko dzemishonga dzaanoita kuti ave neraki rekuwana mari izvo zviri kumushaisa hope.

“Upenyu hwangu hwakange hwave panjodzi pandaigara naye uye ndicho chikonzero chakaita kuti ndibude muwanano iyi.

‘‘Ndaishandiswa nemishonga yake apo ndainge ndirere.

“Chete handidi kutaura zvakawanda pamusoro penyaya iyi nekuti kugara naye kwakangofanana nekugara muGehena,” anodaro Thulani.

Anoti murume wake anomanikidza zvakare vana vavo kuti vaende kun’anga.

Kamba seinonzi inoshandiswa nemurume wekwaMutare kuita mari

Vana ava vane makore 14 okuberekwa nemumwe ane mapfumbamwe kwozoti kasvava.

“Anomanikidza vana kuti vaite mhiko dzake pamwe chete nekuti vapfeke chuma nemachira muzviuno zvavo,” anodaro.

Mutongi Murendo akapa Thulani gwaro redziviriro.

Zvichakadai, Maxwell akaenda kune rimwe dare zvakare achida kupihwa mvumo yekupota achiona vana vake.

Mutongi munyaya iyi ndiNotebulgar Muchineripi uyo akaipfuudza kumazuva emberi nechinangwa chekupa Thulani nguva yekuti agadzirise magwaro ake ekupikisa chikumbiro chaMaxwell mudare iri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey