Uncategorized

‘Wakandisiisa chikoro saka bhadhara’

17 Dec, 2014 - 08:12 0 Views

Kwayedza

Tatenda Moyo
MUKADZI wekusiira chikoro panzira mushure mekunge amitiswa akazoenda kumatare apo murume wacho akange ave kutsika-tsika.

Debra Petros akaendesa Mike Mutimbanyoka kuHarare Civil Court achida mari yekuriritira mwana wavo.

Akaudza dare iri kuti: “Murume uyu anotambira $600, zvese zvaari kuti anowana $340 ndezvimwewo izvo. Nyangwe zvakadaro, ndiri kuda $150 yekuriritira mwana wake. Zvinhu zvidiki-diki zvekutoti taitongokwanisa kutaurirana tega asi iye ari kuomesa musoro kunge demhe.

“Pese pandinotaura nyaya yacho anongochema-chema zvekutoti zuva rinotopera pasina kunzwisisana.

“Ndiye akaita kuti ndisapedza chikoro nemimba yaakandipa iyoyi asi nhasi ondifuratira. Dai pasina mimba iyoyi kana musuwo wedare ndinobheja, handaimbounhuwa ini. Munhu anganditadzise kunyora Form 4 yangu kuti azoramba kuriritira mwana wake futi? Ipapo ndaramba, vedare. Kutoitwa chiseko chenyika kunyange kumhuri kwandinobva ndichitoti tinonzwanana pachedu iko zvino zvaipa?”

Petros akati inherera sezvo akafirwa nevabereki vake vose uye $50 yaida kubviswa naMutimbanyoka haikwane kuriritira mwana wavo.

Mutimbanyoka akapokana nemashoko aPetros achiti haakwanise kubhadhara mari yaaida nekuti ane chikwereti kubhanga.

“Mumba izvozvi ndiri kugara ndega uye mutori mugiraundi nekuti iyeyu ndiye akatora midziyo yose yaivamo, zvaakaita nayo handina ruzivo. Chinondinetsa ndechekuti anotoziva kuti midziyo iyoyo ndakaitenga nechikwereti, ndiko kusaka bhanga riri kundibatira mari. Zvave kutoreva kuti ndave kufanira kutotora chimwe chikwereti kuti nditenge mimwezve midziyo, nerendi tichitoomesera mwana nekutadza kushandisa njere,” akadaro Mutimbanyoka.

“Zvake zvekuti handisi kuchengeta mwana ingori nyaya yekutandarisa vanhu vakamirira magetsi. Mwana ndinotoisa simba nepose pandinogona kuti abatsirike asi izvozvo hazvivakwanire amai ava sezvo vachikoshesa mashoko ehama. Iye zvino ave kuti pamberi pedare ndakamutadzisa kuti asapedze chikoro kunge ndakamubata chibharo asi iye aitozivawo kuti tikasazvidzivirira nhumbu inobata,” akadaro Mutimbanyoka.

Mutongi Tafadzwa Muvhami akati Mutimbanyoka abhadhare $60 pamwedzi uye Petros obatsirawo pakuchengeta mwana sezvo ari wavo vose.

Share This:

Sponsored Links