Uncategorized

‘Wakanzwa bhata wakabara chirema’

29 Mar, 2019 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Tatenda Shuro
VAVAKIDZANI vari kumisidzana mudare nekuda kwenyaya yekushungurudzirana vasikana vebasa avo vanonzi vari kupedzisira vatiza nekuda kwekuoneswa pfumvu.

Judith Chitana akamhan’arira Josephine Thompson kuHarare Civil Court achiti ari kutadzisa vasikana vake vebasa kushanda vakasununguka.

“Changamire, muvakidzani wangu uyu andishungurudza zvikuru. Anonditukira vasikana vangu vebasa zvokutoti vazhinji vanotozopedzisira vaenda. Musikana wangu wandinaye iko zvino vakamutuka hanzi ‘wakaonda, une utachiona hwechirwere cheHIV neAIDS,”’ anodaro.

Chitana anoti Thompson anomuseka nokuda kwekuti akazvara mwana akaremara mitezo.

“Amai ava ngavasanditukewo nehurema hwemwana wangu vachinditi makanzwa bhata,” anodaro.

Achipawo divi rake, Thompson anoti haana dambudziko nechikumbiro chaChitana kudare.

“Handipokane nechikumbiro chavo ini,” anodaro.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Chitana gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>