‘Wakati ndiri muroyi’

27 Dec, 2019 - 00:12 0 Views
‘Wakati ndiri muroyi’

Kwayedza

Courtney Munodawafa

MUMWE mudzimai anoti muvakidzani wake anomupumha huroyi uye kumutarisira pasi achimuti anorarama upenyu hwekutambudzika.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Violet Mukombwe akamhan’arira Caroline Mupane achida gwaro rerunyararo.

Mukombwe anoti Mupane anoshungurudza zvakare musikana wake webasa zvose nevana.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Mukombwe gwaro rinomudzivirira.

“Mudzimai uyu anoroja pa’next’ pangu asi anotuka musikana wangu webasa achishungurudza vana vangu ini ndisipo.

Anonditukawo uye masvondo apfura akanditi ndiri muroyi.

“Anotaura mashoko anorwadza, akanditi ndiri mu‘civil servant’ ini ndisiri. Ivo vane kireshi saka vanondiny’omba vachiti chokwadi munhu kumuka kunoshandira $1 200, shuwa?” anodaro.

Mupane anoudza dare kuti haanetsana naMukombwe uye havatotaure vose.

“Hongu, ndiri muvakidzani wavo asi kubvira gore rapera munaMbudzi, amai ava vaisadaira kana ndikavamhoresa.

Hatichatotaure tose.

Ndakatoshamisika kuona masamanisi ekudare asi handina hangu dambudziko vakapiwa zvavari kuda.

“Varume vedu ndivo vanotamba vose, ini handiende kumba kwavo. Handina kumbovati mu’civil servant’ ini,” anodaro Mupane.

Anoti iye ndiye anoshungurudzwa naMukombwe.

“Mudzimai uyu akandityisidzira nekuda kundirova paakandipa mapepa ekudare.

Akanditi andinyara nekuti ndine nhumbu,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links