Wakatsamwira kunyimwa keke repamuchato?

10 May, 2019 - 00:05 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA naIgnatius Mabasa
MAZUVA ano ndiri kurwa nenyama nekuti nyama ine nyaya. Nyama inoda zvinhu zvakawanda asi zvinhu izvozvo zvisingabatsire mweya.

Kana iri nyama yekudya – nyama yemombe, mbudzi kana yenguruve iri kugochwa, yakatsvukirira ichidonherera tumafuta twunoti pfoo pfoo mumarasha, inokutuma kuti ndicheke undikakachure.

Kana iri nyama yepfambi yakasiya zvidya nemazamu panze, inoti ndikeche.

Nyama yekugocha, nyama ine muto kana ine mhiripiri inoti ndipinze mukanwa, mumate unzwe kunaka, uye ndikugutse. Nyama nemaminimini ayo, tinoida, tinoidya, tigoitsenga tichibuda zvese ziya nerute.

Nyama inonaka, tinoimedza mwoyo yedu yogutsikana nesauti zvekuti tinonanzva zvigunwe. Asi kana nyama yapinda mudumbu, hairambe iri nyama. Nyama yamedzwa inozobuda yave tsvina, yave kunhuhwa uye isu vambofara vachiidya tinenge tisisaide pedyo nesi kana nemhuno dzedu.

Kushanduka kunoita nyama yatinenge tadya ichibuda yave tsvina inonhuhwa imharidzo huru kwazvo pamusoro pekusakosha kwenyama.

Ndizvo zvinoita kuti ndinzwisise kuti sei Jesu akati kuna Johani 6:63, “Mweya ndiye anoraramisa, nyama haina mature; mashoko andakataura kwamuri ndiwo mweya nehupenyu.”

Kushanduka kunoita miviri yedu kana tichinge tarwara, kana kuti tafa chidzidzo chekushaya basa kwenyama. Hakuna vanhu vangada kuchengeta muviri wemunhu mumba kana achinge afa. Vanhu vanoita chipatapata chekutsvaga kuti munhu avigwe asati ave kunhuhwa.

Tese tinowora uye tigonhuhwa kana mweya wabuda matiri nekuti chinoraramisa munhu mweya, kwete nyama. Mweya haufe, mweya hauwore.

Saka kana munhu achiraramiswa nemweya, kwete nenyama inowora ichinhuhwa, nemhaka yei tichibvuma kuitwa varanda nenyama?

Kana kunhuhwa kwenyama yemunhu afa kwakafanana nekunhuhwa kwenyama yatinenge tadya inozobuda yave tsvina, sei tichipedza mari zhinji tichitenga fashoni, tichiroyerana zvekudya, tichivengerana kusakokwa kumabiko kana kunyimwa kwataitwa keke repamuchato? Iro keke repamuchato racho raunotsamwira rakanga riri rako here? Kana waida keke endaka unotenga rako raunocheka pamadiro.

Tiri kurarama munguva dzekupusiswa nezvinhu zviri munyika, uye zviri zvinhu zvevanhu. Nyama inorwarira zvinhu zvakanaka kufanana nepaye Evha paakatarisa muchero wakanga warambidzwa kudya akaona “wakanaka kudyiwa, uchifadza meso . . .”

Asi zvinhu zvakanaka, zvinotora mwoyo zvakangonakira maziso kwete mweya.

Imbopafunga kuti dai tisina nyama. Tisina matama, tisina matumbu kana magadziko. Imbopafunga kuti dai taingove mabhonzo chete, tisina nyama dzekuisa make-up, dzekusonerera weave nekupfekedza masutu.

Dai taive mapfupa chete, vazhinji vedu dai tiri vanhu kwavo nekuti panenge pasina anonzi uyu mutsvuku, uyu ane ndebvu dzinenge dzaCasper Nyovest, kana kuti uyu ane mukaka kana zvimwe zvinoyemurwa nekupembedzwa nevanhu.

Unozviziva here kuti paye paunotarisa chiso chako mugirazi, wauri kuona haasi iwe chaiye.

Chauri kuona mufananidzo. Paunotora mapikicha maSelfie, unogona kuti ndiwe asi mufananidzo hausi iwewe.

Unozviziva here kuti pasina mufananidzo kana girazi, maziso ako haasati ambotarisa chiso chako ega. Haukwanise kuona chiso chako nekuti nguva dzese chaunongoona mufananidzo! Asi nyangwe uchiona mufananidzo, mufananidzo iwoyo unomiririra iwe, uye iwewe unovimba nawo.

Ndinovimba kuti paye varume patinotumwa nenyama kuti tikeche pfambi dzinozopedzisira dzaticheka neimwewo nzira, ngatifunge kupusa kwedu kuti tinotumwa nenyama.

Kana nyama ichinge yawana zvainoda, asi iwe wosara wave ruware unenge wadyiwa nenyama.

Kana nyama chiri chinhu chinowora, kana ikange yakudya, newewo unenge wave tsvina yasara kunorasirwa kure, kuchimbuzi.

Asika, munhu haana kusikirwa nyama, asi kuti akunde nyama. Kana nyama ichikukunda, Jesu anokubatsira kuti uikunde.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey